Mapisarema 76 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Kumutuŋgamiriri wokuimba; nemiteŋgeranwa. Pisarema raAsafi. Rwiyo. 1 Mŋari unozikanwa pakati paJuda; Zita rake iguru pakati paIsraeri. 2 PaSaremi ʋo ndipo panetabernakeri yake, NapaZioni ʋugaro bgake. 3 Ndipo paakavuna miseʋe yoʋuta; Nenhoʋo, nomunondo, nokurwa. 4 Imi munokubginya, makanaka kwaɀo, Kupfuʋura makomo eɀakapambga. 5 Ʋakatsuŋga pamŋoyo, ʋakapambga, ʋakaʋata hope dzaʋo; Pakati paʋarume ʋanesimba hakuna‐wakawana maʋoko ake. 6 Pakutuka kwenyu, Mŋari waJakobo, Ŋgoro nebiza ɀose ɀinoɓatwa nehope dzorufu. 7 Imi, iyemi, munofanira kutyiwa; Ndianiko uŋgamira pamberi penyu kana matsamŋa? 8 Makanzwisa ʋanhu kutoŋga kwenyu kucibva kuɗeŋga; Pasi pakatya, pakanyarara, 9 Paŋguʋa yokumuka kwaMŋari kuzotoŋga, Kuti aponese ʋanyoro ʋose ʋapasi. 10 Ɀirokwaɀo, kutsamŋa kwaʋanhu kucakurumbidzai; Munoɀisuŋga ciʋuno nokutsamŋa kwakasara. 11 Pikai, muripire Jehova Mŋari wenyu; Ʋose ʋakamupoteredza ŋgaʋaʋuye neɀipo kunaiye unofanira kutyiwa; 12 Iye ucagura mŋeya yamacinda; Unotyisa kwaɀo madzimambo apasi. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society