Mapisarema 22 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Kucema kwomunhu wakasiyiwa naMŋari. Kumutuŋgamiriri wokuimba; no muimbirwe weAjereti hashi‐Shahari. Pisarema raDavidi. 1 Mŋari waŋgu, Mŋari waŋgu, mandisiyireiko? Munomirireiko kure pakundiɓatsira, napamashoko okugomba kwaŋgu? 2 Mŋari waŋgu, ndinoɗana masikati, asi hamupinduri; Noʋusiku, asi handiwani zororo. 3 Asi imi muri mutȿene, Imi mugere parumbidzo dzaIsraeri. 4 Madziɓaɓa eɗu akaʋimba nemi; Ʋakaʋimba, imi mukaʋarwira. 5 Ʋakacema kwamuri, ʋakarwirwa; Ʋakaʋimba nemi, ʋakasanyadziswa. 6 Asi ini ndiri honye, handizi munhu; Ndiri cinhu cinoɀidzwa naʋanhu, cinoshoʋorwa naʋanhu ʋose. 7 Ʋose, ʋanondiʋona ʋanondiseka; Ʋanoshamisa muromo, ʋanodzuŋgudza misoro, ʋaciti: 8 Ciɀiisai kunaJehova; iye ŋgaamurwire; Ŋgaamurwire, ɀaanomufarira iye. 9 Asi ndimi makandiɓuɗisa paciɀaro; Makandiʋimbisa nemi ndiciri pamazamu amai ʋaŋgu. 10 Ndakaiswa kwamuri kubva paciɀaro; Imi muri Mŋari waŋgu kubva paɗumbu ramai ʋaŋgu. 11 Regai kuʋa kure neni; nokuti njodzi iri pedyo; Nokuti hapana‐uŋgaɓatsira. 12 Hando zhinji dzakandikomba; Hando dzinesimba dzaBashani dzakandipoteredza. 13 Dzinondishamisira miromo yadzo, Seshumba inoparadza iciʋomba. 14 Ndakaɗururwa semvura, Mafupa aŋgu ose akaȿoɗogoka; Mŋoyo waŋgu wakafanana nenamo; Wakanyauka mukati moʋura bgaŋgu. 15 Simba raŋgu rakawoma secaeŋga; Rurimi rwaŋgu rwakanamatira pashaya dzaŋgu; Makandiisa paguruʋa rorufu. 16 Nokuti imbga dzakandikomberedza; Ʋuŋgano yaʋanoita ɀakaipa yakandipoteredza; Ʋakabvoʋora maʋoko aŋgu namakumbo aŋgu; 17 Ndiŋgaʋereŋga mafupa aŋgu ose; Ʋanonditarira nokundinaŋanidza; 18 Ʋanogoʋana ŋguʋo dzaŋgu pakati paʋo, Ʋanokanda mijenya pamsoro pehanzu yaŋgu. 19 Asi imi Jehova, regai kuʋa kure neni; Imi simba raŋgu, kurumidzai kundiɓatsira. 20 Rwirai mŋeya waŋgu pamunondo; Muɗikanwa waŋgu pasimba rembga. 21 Ndiponesei pamuromo weshumba; Ɀirokwaɀo, makandipindura ndiri pakati penyaŋga dzenyati. 22 Ndicaɗudzira zita renyu kuhama dzaŋgu; Ndicakurumbidzai pakati peʋuŋgano. 23 Imi munotya Jehova, murumbidzei; Imi mose ʋana ʋaJakobo, mukudzei; Mumutyei, imi mose ʋana ʋaIsraeri. 24 Nokuti haana‐kuɀidza kana kusema ɗambudziko rounotambudzwa; Kana kumuʋanzira ciso cake; Asi paŋguʋa yaakacema kwaari wakamunzwa. 25 Kurumbidza kwaŋgu paʋuŋgano huru kunobva kwamuri; Ndicaripa mhiko dzaŋgu pamberi paʋanomutya. 26 Ʋanyoro ʋacadya ʋakaguta; Ʋanotȿaka Jehova ndiʋo ʋacamurumbidza; Mŋoyo yenyu ŋgairarame nokusiŋgaperi. 27 Migumo yose yenyika icaraŋgarira nokudzokera kunaJehova; Marudzi ose aʋahedeni acanamata kwamuri. 28 Nokuti ʋushe ndobgaJehova; Ndiye muɓati waʋahedeni. 29 Ʋakuru ʋose ʋenyika ʋacadya nokunamata; Ʋose ʋanoɓurukira kuguruʋa ʋacafugama pamberi pake, Naiye usiŋgagoni kuraramisa mŋeya wake. 30 Ʋana ʋake ʋacanamata kwaari; Rudzi runoteʋera rucaʋudzwa ɀaJehova. 31 Ʋacaʋuya ʋaciɗudzira kururama kwake Kuʋanhu ʋacazoɀarwa, kuti ndiye wakaɀiita. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society