Online Bible

- Advertisements -


Mapisarema 101 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Davidi unoɗa kufamba nenzira yakarurama nomŋoyo wake wose.
Pisarema raDavidi.

1 Ndicaimba ndicireʋa ŋgoni nokururama; Ndimi Jehova wandicaimbira nziyo dzokurumbidza.

2 Ndicaita ɀose nokuŋgwara panzira yakarurama; Haiwa, mucaʋuya kwandiri riniko? Ndicafamba mumba maŋgu nomŋoyo wakarurama.

3 Handiŋgaʋaʋariri cinhu cakaipa; Ndinoʋeŋga ɀinoitwa naʋanotsauka; Haɀiŋgandinamatiri.

4 Mŋoyo wakatsauka ŋgaubve kwandiri; Handiɗi kuziʋa ɀakaipa.

5 Unoitira ʋokwake makuhwa, ndicamuparadza; Unotarira namanyawi, nounomŋoyo unoɀikudza, handiŋgaʋi nehanya naye.

6 Meso aŋgu acatarira ʋakatendeka panyika, kuti ʋagare neni; Munhu unofamba nenzira yakarurama, ndiye uŋgaʋa mushumiri waŋgu.

7 Unonyeŋgera haaŋgagari mumba maŋgu; Unoreʋa nhema haaŋgarambiri pamberi paŋgu.

8 Maŋgwanani ose ndicaparadza ʋakaipa ʋose ʋenyika; Kuti ndipedze ʋose ʋanoita ɀakaipa paguta raJehova.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Follow us:



Advertisements