Online Bible

- Advertisements -


Mapisarema 100 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Nyika ŋgainamate kunaJehova Musiki noMufudzi.
Pisarema rokuʋoŋga.

1 Pururudzai Jehova, imi nyika dzose.

2 Shumirai Jehova nomufaro; Ʋuyai pamberi pake muciimba.

3 Ziʋai kuti Jehova ndiye Mŋari; Ndiye wakatiita, tiri ʋanhu ʋake; Tiri ʋanhu ʋake, namakwai anofudzwa naye.

4 Pindai pamasuʋo ake muciʋoŋga, Napaʋazhe dzake mucirumbidza; Cimuʋoŋgai, murumbidze zita rake.

5 Nokuti Jehova wakanaka; ŋgoni dzake dziri’po nokusiŋgaperi; Nokutendeka kwake kumarudzi namarudzi.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Follow us:



Advertisements