Genesi 35 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Jakobo paBeteri. Rakeri naIsaka ʋanofa. 1 Ɀino Mŋari wakati kunaJakobo: Simuka, ukwire Beteri, undogara’ko; uitire Mŋari artari’po, iye wakaɀiratidza kwauri paŋguʋa yokutiza kwako pamberi paEsau, mukuru wako. 2 Ipapo Jakobo akati kumhuri yake, naʋose ʋakaŋga ʋanaye: Bvisai ʋamŋari ʋedzimŋe ndudzi ʋari pakati penyu, ɀinatsei, mufuke dzimŋe ŋguʋo; 3 tisimuke, tikwire Beteri; ipapo ndicaitira Mŋari artari, iye wakaŋga aneni panzira yandakaŋga ndicifamba nayo. 4 Iʋo ʋakapa Jakobo ʋamŋari ʋose ʋedzimŋe ndudzi ʋakaŋga ʋari pamaʋoko aʋo, neɀindori ɀakaŋga ɀiri panzeʋe dzaʋo; Jakobo akaɀicerera pasi pomuti womuouki wakaŋga uri paShekemi. 5 ʋakapfuʋura norwendo rwaʋo, maguta akaŋga akaʋakomba akatya Mŋari kwaɀo, ʋakasateʋerera ʋanakomana ʋaJakobo. 6 Jakobo akaȿika Ruzi, guta riri panyika yeKanani (rimŋe zita ndiBeteri), iye naʋanhu ʋose ʋaakaŋga anaʋo. 7 Akaʋaka’po artari, akatumidza zita renɀimbo iyo Eri‐beteri; nokuti Mŋari wakaŋga aɀiratidza kwaari ipapo, paŋguʋa yokutiza kwake pamberi pomukuru wake. 8 Debora, mureri waRebeka, akafa, akaʋigwa zasi kweBeteri munyasi momuouki; zita rapo rikanzi Aroni‐bakuti. 9 Ipapo Mŋari akaɀiratidza ɀe kunaJakobo pakubva kwake Padani‐arami, akamuropafadza. 10 Mŋari akati kwaari: Zita rako ndiJakobo; zita rako haricazonzi Jakobo, asi zita rako ricanzi Israeri; akamutumidza zita rinonzi Israeri. 11 Ɀino Mŋari akati kwaari: Ndini Mŋari wamasimba ose; ɓereka ʋana, uwande; rudzi neɓoka rendudzi ɀicaɓuɗa kwauri, namadzishe acaɓuɗa paciʋuno cako; 12 nyika yandakapa Abrahama naIsaka, ndicakupa iyo; ʋana ʋako ʋanokuteʋera ndicaʋapa nyika iyo. 13 Mŋari akakwira, akabva kwaari, ipapo paakaŋga acitaura naye. 14 Jakobo akamisa shoŋgwe ipapo paakaŋga ataura naye, shoŋgwe yebge; akaɗurura pamsoro payo cipiriso cinoɗururwa, akaɗira ʋo mafuta pamsoro payo. 15 Jakobo akatumidza nɀimbo iyo, pakaŋga pataura Mŋari naye, zita rinonzi Beteri. 16 Ɀino ʋakafamba ʋacibva Beteri; cinhambo cakaŋga cici’po cokuȿika Efrati; Rakeri akaɀara, akatambudzika pakupona kwake. 17 Wakati acitambudzika pakupona kwake, mbuya ʋakati kwaari: Usatya hako, nokuti ɀino ucaʋa nomumŋe mŋanakomana ɀe. 18 Ɀino mŋeya wake wakati uciɓuɗa (nokuti wakafa), akamutumidza Benoni; asi ɓaɓa ʋake ʋakamutumidza Benjamini. 19 Rakeri akafa, akaʋigwa panzira inoenda Efrati (rimŋe zita ndiBetrehema). 20 Jakobo akamisa shoŋgwe pamsoro perinda rake, ndiyo shoŋgwe yerinda raRakeri kuȿikira zuʋa ranhasi. 21 Israeri akafamba, akapfuʋurira mberi, akadzika tente rake neseri kweshoŋgwe yeEderi. 22 Ɀino Israeri agere munyika iyo, Rubeni akandoʋata naBirha, muroŋgo waɓaɓa ʋake, Israeri akaɀinzwa. Ɀino ʋanakomana ʋaJakobo ʋaiʋa gumi naʋaʋiri; 23 ʋanakomana ʋaRea: Rubeni, ɗaŋgwe raJakobo, naSimeoni, naRevi, naJuda, naIsakari, naZeburuni; 24 ʋanakomana ʋaRakeri: Josefa naBenjamini; 25 ʋanakomana ʋaBirha, murandakadzi waRakeri: Dani naNaftari; 26 ʋanakomana ʋaZirpa, murandakadzi waRea: Gadi naAsheri. Ndiʋo ʋanakomana ʋaJakobo, ʋaakaɀarirwa paPadani‐arami. 27 Jakobo akaȿika kunaIsaka, ɓaɓa ʋake paMamre, paKiriyati‐arba (rimŋe zita ndi Hebroni), paigara Abrahama naIsaka ʋari ʋatorwa. 28 Mazuʋa aIsaka akaŋga ari makore anezana namakumi masere. 29 Mŋeya waIsaka ukaɓuɗa, akafa, akasoŋganiswa naʋanhu ʋake, akwegura, aʋa namazuʋa mazhinji; Esau naJakobo, ʋanakomana ʋake, ʋakamuʋiga. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society