Genesi 34 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Dina naʋanhu ʋeShekemi. 1 Ɀino Dina, mŋanasikana waRea, waakaɓerekera Jakobo, wakaɓuɗa kundoʋona ʋakunda ʋenyika iyo. 2 Ipapo Shekemi, mŋanakomana waHamori, muHivi, mucinda wenyika, wakamuʋona; akamutora, akaʋata naye, akamunyadza. 3 Mŋeya wake ukanamatira Dina, mukunda waJakobo, akamuɗa musikana uyo, akataura ɀakafadza mŋoyo womusikana. 4 Ɀino Shekemi akataura naɓaɓa ʋake, Hamori, akati: Nditorerei musikana uyo, aʋe mukadzi waŋgu. 5 Ɀino Jakobo wakanzwa kuti wakacinya Dina, mukunda wake; ʋanakomana ʋake ʋakaŋga ʋari kuɀipfuwo ɀake kusaŋgo, Jakobo akanyarara hake kuȿikira ʋaʋuya. 6 Hamori, ɓaɓa ʋaShekemi, ʋakaenda kunaJakobo kundotaurirana naye. 7 Ʋakati ʋacinzwa iɀoɀo ʋanakomana ʋaJakobo ʋakaʋuya ʋacibva kusaŋgo; ɀino ʋarume aʋa ʋakaŋga ʋaneshuŋgu kwaɀo, ʋakatsamŋa ɀikuru, nokuti wakaŋga aita cinhu cakaipa kwaɀo pakati paʋaIsraeri kuti aʋate nomukunda waJakobo; cinhu ico cakaŋga cisiŋgafaniri kuitwa. 8 Ɀino Hamori akataurirana naʋo, akati: Mŋeya womŋanakomana waŋgu, Shekemi, unoshuʋa mukunda wenyu; ɗomupai henyu iye, aʋe mukadzi wake. 9 Wananai henyu nesu, tipei ʋakunda ʋenyu, mugotora ʋakunda ʋeɗu. 10 Garai henyu nesu, nyika icaʋa pamberi penyu; garai’mo, mushambadzire, muɀiʋuŋganidzire’mo fuma. 11 Ipapo Shekemi akati kunaɓaɓa ʋake nokuhanɀadzi dzake: Ndiwane haŋgu nyasha kwamuri; ɀamunoreʋa kwandiri, ndicakupai. 12 Kumbirai henyu kwandiri roʋoro huru necipo cikuru; ɀamunoreʋa kwandiri ndicakupai; asi ndipei musikana aʋe mukadzi waŋgu. 13 Ipapo ʋana ʋaJakobo ʋakapindura Shekemi naHamori, ɓaɓa ʋake, nokunyeŋgera, ʋakataura nokuti wakaŋga acinya hanɀadzi yaʋo Dina, 14 ʋakati kwaʋari: Hatiŋgagoni kuita cinhu ici, kuti tipe munhu usina‐kudziŋgiswa hanɀadzi yeɗu, nokuti iɀeɀo ɀiŋgatinyadza; 15 tiŋgatenderana nemi kwoga kana mukaita cinhu ici, kuti muʋe sesu, murume mumŋe nomumŋe uri kwamuri adziŋgiswe; 16 ipapo isu ticakupai ʋakunda ʋeɗu, nesu ʋo ticatora ʋakunda ʋenyu; tigare nemi, tiʋe saʋanhu ʋamŋe. 17 Kana musiŋgatitereri, kuti mudziŋgiswe, ticatora mukunda weɗu, tikabva. 18 Mashoko aʋo akafadza Hamori naShekemi, mŋanakomana waHamori. 19 Jaya harina‐kunonoka kuita cinhu ico, nokuti wakaŋga acifarira mukunda waJakobo; naiye wakaŋga acikudzwa kupfuʋura ʋose ʋeimba yose yaɓaɓa ʋake. 20 Ɀino Hamori naShekemi, mŋanakomana wake, ʋakaʋuya kusuʋo reguta raʋo, ʋakataurirana naʋanhu ʋeguta raʋo, ʋakati: 21 Ʋanhu aʋa ʋanorugare nesu; naiɀoɀo ŋgaʋagare haʋo munyika ino, ʋashambadzire’mo; nokuti tarirai nyika inoʋariŋgana; ŋgatitore ʋakunda ʋaʋo ʋaʋe ʋakadzi ʋeɗu, nesu tiʋape ʋakunda ʋeɗu. 22 Asi ʋanhu aʋa ʋacatenderana nesu kugara nesu, nokuita saʋanhu ʋamŋe nesu, kwoga kana ticiita cinhu ici, kuti ʋarume ʋose kwatiri ʋadziŋgiswe, seɀaʋakadziŋgiswa iʋo. 23 Ko ŋombe dzaʋo, nefuma yaʋo, neɀipfuwo ɀaʋo ɀose haɀicaʋi ɀeɗu here — Ŋgatitenderane naʋo kwoga, ʋagogara nesu. 24 Ɀino ʋose ʋaiɓuɗa pasuʋo reguta rake ʋakaterera Hamori, naShekemi, mŋanakomana wake; ipapo ʋarume ʋose ʋakadziŋgiswa, ʋose ʋaiɓuɗa pasuʋo reguta rake. 25 Ɀino pazuʋa retatu, ʋaciri pakurwadziwa, ʋanakomana ʋaʋiri ʋaJakobo, Simeoni naRevi, hanɀadzi dzaDina, ʋakatora mumŋe nomumŋe munondo wake, ʋakapinda muguta ʋanhu ʋasiŋgarindiri, ʋakaʋuraya ʋarume ʋose. 26 Ʋakaʋuraya naHamori naShekemi, mŋanakomana wake, neminondo inopinza, ʋakatora Dina mumba maShekemi, ʋakaenda. 27 Ʋanakomana ʋaJakobo ʋakaenda kunaʋakaʋurawa, ʋakapamba guta, nemhaka yokuti ʋakaŋga ʋacinya hanɀadzi yaʋo. 28 Ʋakatora makwai aʋo, neŋombe dzaʋo, nemboŋgoro dzaʋo, neɀakaŋga ɀiri muguta, neɀakaŋga ɀiri kusaŋgo; 29 ʋakatapa fuma yaʋo yose, naʋana ʋaʋo ʋaɗuku, naʋakadzi ʋaʋo, ʋakaɀiita mhambara, neɀinhu ɀose ɀakaŋga ɀiri mudzimba. 30 Ipapo Jakobo akati kunaSimeoni naRevi: Manditorera mufaro, ɀamandinhuwisa pakati paʋanhu ʋanogara munyika ino, pakati paʋaKanani naʋaPeresi; ini ɀandinaʋanhu ʋashoma, ʋacandiʋuŋganira, ʋakandiʋuraya; ndicaparadzwa ini naʋeimba yaŋgu. 31 Iʋo ʋakati: Iye wagoitireiko nehanɀadzi yeɗu seɀinoitwa necifeʋe? |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society