Online Bible

- Advertisements -


Genesi 33 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

1 Ɀino Jakobo akasimudza meso ake, akatarira, akaʋona Esau aciʋuya anaʋarume ʋanamazana manna. Akagoʋera ʋana kunaRakeri naRea naʋarandakadzi ʋaʋiri.

2 Akaisa ʋarandakadzi naʋana ʋaʋo mberi, Rea naʋana ʋake shure kwaʋo, naRakeri naJosefa pakupedzisira.

3 Iye amene akapfuʋura aciʋatuŋgamirira, akakotamira pasi kaŋomŋe, kuȿikira asweɗera pedyo nomukuru wake.

4 Ipapo Esau akamhanyira kundosoŋgana naye, akamumbundikira, akawira pamutsipa wake, ndokumuȿeta; ʋakacema ʋose.

5 Akasimudza meso ake, akaʋona ʋakadzi naʋana, akati: Aʋa ʋaunaʋo ndiʋanani — Iye akati: Ndiʋo ʋana ʋakapiwa muranda wenyu naMŋari nenyasha dzake.

6 Ʋarandakadzi ʋakasweɗera, iʋo naʋana ʋaʋo, ʋakakotama.

7 NaRea naʋana ʋake ʋakasweɗera ʋo, ʋakakotama; pashure Josefa naRakeri ʋakasweɗera, ʋakakotama.

8 Akati: Ko ɓoka iri rose randasoŋgana naro ndereiko — Iye akati: Kuti ndiwane nyasha kunashe waŋgu.

9 Esau akati: Ini ndineɀizhinji, munuŋuna waŋgu; iɀo ɀaunaɀo, ŋgaɀiʋe ɀako.

10 Jakobo akati: Kwete, kana ndawana nyasha kwamuri ɀino, ndinokumbiro kuti mugamucire cipo caŋgu paruʋoko rwaŋgu; nokuti ndaʋona ciso cenyu, cikaita seciso caMŋari, mukafara neni.

11 Gamucirai henyu cipo caŋgu camunopiwa; nokuti Mŋari wakandiitira nyasha, ndineɀizhinji. Akamugwaririra, akazocitora.

12 Akati: Ŋgatipfuʋure heɗu parwendo rweɗu, tiende, ini ndicakutuŋgamirira.

13 Iye akati kwaari: Ishe waŋgu unoziʋa kuti ʋana ʋaciri ʋaɗuku, ʋuye kuti makwai neŋombe ɀandinaɀo ɀinomŋisa; kana ʋakaɀitinhisa zuʋa rimŋe, ɀipfuwo ɀose ɀicafa.

14 Ishe waŋgu ŋgaapinde hake mberi kwomuranda wake; ini ndicanatso‐ɀisesedza seɀaɀinogona kufamba, iɀi ɀipfuwo ɀiri pamberi paŋgu, naʋana seɀaʋanogona kufamba, kudzimana ndaȿika kunashe waŋgu paSeiri.

15 Esau akati: Ɀino ŋgandisiye kwauri ʋamŋe ʋanhu ʋandinaʋo. Iye akati: Mucaitireiko kuɗaro — Ndiwane haŋgu nyasha kunashe waŋgu.

16 Naiɀoɀo Esau akadzoka zuʋa iro, akaenda Seiri.

17 Asi Jakobo wakaenda Sukoti, akaɀiʋakira imba, akaitira ɀipfuwo ɀake mataŋga; naiɀoɀo zita renɀimbo iyo rakanzi Sukoti.

18 Jakobo akaȿika ɀakanaka kuguta reShekemi, riri panyika yeKanani, pakubva kwake paPadani‐arami; akadzika matente ake pakatarisana neguta.

19 Akateŋga rutiʋi rwenyika, paakaŋga apetenura tente rake, kuʋana ʋaHamori, ɓaɓa ʋaShekemi, nezana remari.

20 Akaʋaka’po artari, akaritumidza zita rinonzi Eri‐erohe‐Israeri.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Follow us:



Advertisements