Online Bible

- Advertisements -


Eksodo 40 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Mosesi unomisa Tabernakeri.

1 Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati:

2 Nomusi wokutaŋga womŋedzi unofanira kumisa tabernakeri netente rokusoŋgana.

3 Unofanira kuisa mukati mayo areka yecipupuriro, nokudzitira areka necidzitiro

4 Upinze ʋo tafura, nokugadzira ɀinhu ɀinofanira kuʋa pamsoro payo; upinze ʋo cigadziko cemŋenje, ugotuŋgidza mŋenje yaco.

5 Uise ʋo artari yendarama yeɀinonhuwira pamberi peareka yecipupuriro, ugoisa cidzitiro comukoʋa wetabernakeri.

6 Ɀino uise ʋo artari yeɀiɓayiro ɀinopiswa pamberi pomukoʋa wetabernakeri yetente rokusoŋgana.

7 Uise ʋo mudziyo wokushambidzira pakati petente rokusoŋgana neartari, ugoɗira mvura mukati mawo.

8 Ɀino ugadzire ʋo ruʋazhe nokurembedza cidzitiro cesuʋo roruʋazhe.

9 Utore ʋo mafuta okuzodza nawo, uzodze tabernakeri nawo, neɀose ɀiri mukati mayo; ugoitsaura, iyo neɀose ɀiri’mo, kuti ciʋe cinhu citȿene.

10 Uzodze ʋo artari neɀiɓayiro ɀinopiswa, nemidziyo yayo yose, kuti utsaure artari, artari ciʋe cinhu citȿene‐tȿene.

11 Uzodze ʋo mudziyo wokushambidzira necigadziko cawo, uutsaure.

12 Ɀino usweɗedze Aroni naʋanakomana ʋake kumukoʋa wetente rokusoŋgana, ugoʋashambidza nemvura.

13 Ipapo ufukidze Aroni ŋguʋo tȿene, ugomuzodza nokumutsaura, kuti andishumire paɓasa roʋuprista.

14 Usweɗedze ʋo ʋanakomana ʋake, ugoʋafukidza ŋguʋo.

15 Uʋazodze, seɀawazodza ɓaɓa ʋaʋo, kuti ʋandishumire paɓasa roʋuprista; kuzodzwa kwaʋo kunofanira kuʋa kwaʋari ʋuprista nokusiŋgaperi, kuȿikira kumarudzi aʋo ose.

16 Mosesi akaita saiɀoɀo; ɀose ɀaakaŋga arairwa naJehova, wakaɀiita saiɀoɀo.

17 Tabernakeri ikamiswa nomŋedzi wokutaŋga wegore recipiri nomusi wokutaŋga womŋedzi.

18 Mosesi akamisa tabernakeri, akaisa ɀigadziko ɀayo, akamisa mapuraŋga ayo, akaisa mbariro dzayo, nokumisa mbiru dzayo.

19 Akawarira tente pamsoro petabernakeri, akaisa cifukidzo cetente pamsoro payo, seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova.

20 Akatora cipupuriro, akaciisa muareka, akapinza matanda paareka, akaisa cifunhiro cokuyananisa pamsoro peareka;

21 akapinza areka mutabernakeri, akarembedza cidzitiro cokudzitira naco, akadzitira areka yecipupuriro; seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova.

22 Akaisa tafura mutente rokusoŋgana, kurutiʋi rwetabernakeri necokumsoro, kunze kwecidzitiro.

23 Akagadzira ʋo ciŋgwa pamsoro payo pamberi paJehova, seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova.

24 Akaisa cigadziko cemŋenje mutente rokusoŋgana, cakatarisana netafura, kurutiʋi rwetabernakeri necenyasi.

25 Akatuŋgidza mŋenje pamberi paJehova, seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova.

26 Akaisa artari yendarama mutente rokusoŋgana pamberi pecidzitiro;

27 akapisira’po ɀinonhuwira ɀemiti yakanaka, seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova.

28 Akagadzira ɀirembedzwa ɀomukoʋa wetabernakeri.

29 Akaisa artari yeɀipiriso ɀinopiswa pamukoʋa wetabernakeri yetente rokusoŋgana, akapisira pamsoro payo cipiriso cinopiswa, necipiriso coʋupfu; seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova.

30 Akaisa mudziyo wokushambidzira pakati petente rokusoŋgana neartari, akaisa mukati mayo mvura yokushambidza nayo.

31 Ipapo Mosesi naAroni naʋanakomana ʋake ʋakashamba maʋoko aʋo netsoka dzaʋo’po;

32 pakupinda kwaʋo mutente rokusoŋgana, napakusweɗera kwaʋo kuartari, ʋaishamba, seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova.

33 Akagadzira ʋo ruʋazhe rwaipotedza tabernakeri neartari, akarembedza cidzitiro cesuʋo roruʋazhe. Naiɀoɀo Mosesi akapedza ɓasa rose.

34 Ipapo gore rakafukidza tente rokusoŋgana, kubginya kwaJehova kukazadza tabernakeri.

35 Mosesi akasagona kupinda mutente rokusoŋgana, nokuti gore rakaramba rigere pamsoro paro ʋuye kubginya kwaJehova kwakaŋga kwazadza tabernakeri.

36 Ɀino kana gore rokwidzwa ricibva pamsoro petabernakeri, ʋana ʋaIsraeri ʋakapfuʋura ʋacifamba nzendo dzaʋo dzose.

37 Asi kana gore risina‐kukwidzwa, haʋana‐kufamba, kuȿikira musi warinozokwidzwa.

38 Nokuti gore raJehova rakaŋga riri pamsoro petabernakeri masikati, nomŋoto waiʋa mariri ʋusiku, pamberi paʋose ʋeimba yaIsraeri panzendo dzaʋo dzose.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Follow us:



Advertisements