Eksodo 39 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Ŋguʋo tȿene. 1 Ʋakaita ʋo ŋguʋo dzakarukwa ɀakanaka neɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, dzokushumira nadzo panɀimbo tȿene; ʋakaita ŋguʋo tȿene dzaAroni, seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova. 2 Akaita efodi nendarama, neɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nomuceka wakaiȿo‐naka wakarukwa. 3 Ʋakapambadzira ndarama, ʋakaita maɓape matete, ʋakaiceka, ʋakaita nhare dzokusonisa nadzo ɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nemiceka yakaiȿo‐naka yakarukwa, riri ɓasa romunhu unogona. 4 Ʋakaiitira mabande pamafudzi akaɓatanidzwa; akaŋga akaɓatanidzwa pamiromo yayo miʋiri. 5 Nebanhire rakarukwa nomuɓati wakacenjera, rakaŋga riri pamsoro payo, rokuisuŋga naro; cakaŋga ciri cinhu cimŋe cete nayo, rakaitwa saiyo; rendarama, neɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nemiceka yakaiȿo‐naka yakarukwa, seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova. 6 Ʋakagadzira mabge eoniksi, akanyudzwa mukati meɀiruʋa ɀendarama, mazita aʋana ʋaIsraeri akanyorwa’po, seɀinonyorwa ibge rokusimbisa. 7 Akaaisa pamabande apamafudzi eefodi, kuti aʋe mabge okuraŋgaridza ʋana ʋaIsraeri, seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova. 8 Akaita ʋo homboɗo yecifuʋa, raiʋa ɓasa romuɓati wakacenjera, seɀakaitwa ʋo efodi; akaiita nendarama, neɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nemiceka yakaiȿo‐naka yakarukwa. 9 Yakaŋga inenhiʋi inna dzakaenzana; ʋakaita homboɗo yecifuʋa inemheto mbiri; kureɓa kwayo kwakaŋga kwakaita sapanoȿika minwe, noʋupamhi bgayo sapanoȿika minwe ʋo, inemheto mbiri. 10 Ʋakaisa mukati mayo misara minna yamabge, mumŋe musara waiʋa nesardio, netopasi, nekarbunkeri. Ndiwo musara wokutaŋga. 11 Napamusara wecipiri smaragdino, nesafiri, nedaimani. 12 Napamusara wecitatu hiakinti, neagati, neametisi. 13 Napamusara wecinna beriri, neoniksi, nejaspiri; akaŋga akanyudzwa muɀiruʋa ɀendarama. 14 Mabge akaŋga akaita samazita aʋana ʋaIsraeri, anegumi namaʋiri, samazita aʋo; akaŋga akanyorwa seɀinonyorwa ibge rokusimbisa, rimŋe nerimŋe rinezita raro, mazita amarudzi anegumi namaʋiri. 15 Napahomboɗo akaita ɀiketani ɀakafanana norwonzi rwendarama yakamoniwa yakaiȿo‐naka. 16 Ʋakaita ʋo ɀiruʋa ɀiʋiri ɀendarama, neɀindori ɀiʋiri ɀendarama, akaisa ɀindori ɀiʋiri pamiceto miʋiri yehomboɗo yecifuʋa. 17 Ʋakaisa ʋo ɀiketani ɀiʋiri ɀendarama yakamoniwa paɀindori ɀiʋiri ɀaiʋa pamiceto yehomboɗo yecifuʋa. 18 Nemimŋe miromo miʋiri yeɀiketani ɀiʋiri ɀakamoniwa ʋakaiisa paɀiruʋa ɀiʋiri, ʋakaiisa pamabande apacifuʋa ceefodi necemberi kwayo. 19 Ʋakaita ʋo ɀindori ɀiʋiri ɀendarama, ʋakaɀiisa pamiceto miʋiri yehomboɗo yecifuʋa pamupendero wayo, uri kurutiʋi rweefodi necomukati. 20 Ʋakaita ʋo ɀindori ɀiʋiri ɀendarama ʋakaɀiisa pamabande maʋiria pamafudzi eefodi zasi necemberi kwayo, pedyo napayakaɓatanidzwa napo, pamsoro pebanhire reefodi rakarukwa noʋucenjeri. 21 Ʋakasuŋganidza homboɗo yecifuʋa neɀindori ɀayo paɀindori ɀeefodi norwonzi rutema, kuti ruʋe pamsoro pebanhire reefodi rakarukwa noʋucenjeri, kuti homboɗo yecifuʋa irege kusunuŋguka paefodi, seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova. 22 Akaita ʋo jasi reefodi rakarukwa; rose rakaŋga riri romuceka mutema. 23 Akaita ɓuri rejasi pakati paro, seɓuri reŋguʋo yokurwa, rakaŋga rinomupendero wakapotedza ɓuri raro, kuti rirege kubvaruka. 24 Pamipendero yejasi ʋakaita matamba eɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nomuceka wakarukwa. 25 Ʋakaita ʋo ɀitare ɀinorira ɀendarama yakaiȿo‐naka; ʋakaisa ɀitare pakati pamatamba pamipendero yejasi, kunhiʋi dzose, pakati pamatamba; 26 pakaʋa necitare cimŋe neɗamba rimŋe, necitare cimŋe ɀe neɗamba rimŋe ɀe, pamipendero yejasi kunhiʋi dzose, rikaʋa jasi rokushumira naro, seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova. 27 Ʋakaitira Aroni naʋanakomana ʋake ŋguʋo dzakarukwa nomuceka wakaiȿo‐naka, 28 neŋgoani yomuceka wakaiȿo‐naka, nedzimŋe ŋgoani dzakanaka dzomuceka wakaiȿo‐naka, namaburuku omuceka wakarukwa wakaiȿo‐naka, 29 nebanhire romuceka wakaiȿo‐naka wakarukwa, neɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, rikaʋa ɓasa romusoni unogona, seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova. 30 Ʋakaita ʋo hwendefa rekorona tȿene nendarama yakaiȿo‐naka, ʋakanyora pamsoro paro seɀinonyorwa ibge rokusimbisa, ʋaciti: MUTⱾENE KUNAJEHOVA. 31 Ʋakasuŋgira pariri rwonzi rutema, kuti ʋariɓatanidze naro paŋgoani kumsoro, seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova. 32 Naiɀoɀo ɓasa rose retabernakeri yetente rokusoŋgana rakapera; ʋana ʋaIsraeri ʋakaita ɀose ɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova, ʋakaita saiɀoɀo. 33 Ɀino ʋakaʋuya netabernakeri kunaMosesi, ɀaiti: Tente nenhumbi dzaro dzose, neɀikorekedzo ɀaro, namatanda aro, nembariro dzaro, nembiru dzaro, neɀigadziko ɀaro; 34 necifukidzo camatebge amakondobge akazodzwa muti mutȿuku, necifukidzo camatebge amatenhe, necidzitiro cokudzitira naco; 35 neareka yecipupuriro, namatanda okutakura nawo, necifunhiro cokuyananisa; 36 netafura, nenhumbi dzayo dzose, neciŋgwa cokuratidza; 37 necigadziko cakaiȿo‐naka, nemŋenje yaco, mŋenje yokugadzirira’po, nenhumbi dzaco dzose, namafuta okuvenekesa nawo; 38 neartari yendarama, namafuta okuzodza nawo, neɀinonhuwira ɀakanaka, necidzitiro comukoʋa weTente; 39 neartari yendarira, necakarukwa cayo cendarira, namatanda, nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira, necigadziko cawo; 40 neɀirembedzwa ɀaparuʋazhe, nembiru dzaɀo, neɀigadziko ɀadzo, necidzitiro cesuʋo roruʋazhe, norwonzi rwaco, nembambo dzaco, nenhumbi dzose dzokuɓata nadzo patabernakeri, patente rokusoŋgana; 41 neŋguʋo dzakarukwa ɀakanaka noʋucenjeri dzokushumira nadzo panɀimbo tȿene, neŋguʋo tȿene dzaAroni muprista, neŋguʋo dzaʋanakomana ʋake, dzokushumira nadzo paɓasa roʋuprista. 42 Ɀose seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova, saiɀoɀo ʋana ʋaIsraeri ʋakaita maɓasa ose. 43 Mosesi akatarira maɓasa ose, akaʋona kuti ʋakaŋga ʋaaita seɀakaŋga ɀarairwa naJehova, ndiɀo ɀaʋakaita; Mosesi akaʋaropafadza. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society