Online Bible

- Advertisements -


Eksodo 34 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Mosesi unokwira ɀe mugomo.

1 Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Ɀiʋezere mahwendefa maʋiri amabge akafanana nookutaŋga, kuti ndinyore pamabwendefa mashoko aya akaŋga ari pamahwendefa okutaŋga awaputsa.

2 Gara waɀigadzira maŋgwanani, ukwire mugomo reSinai maŋgwanani, umire pamberi paŋgu pamsoro pegomo.

3 Asi mumŋe munhu ŋgaarege kukwira newe, ʋuye ŋgakurege kuʋonekwa munhu pagomo rose, namakwai neŋombe ŋgaɀirege kufura pamberi pegomo iri.

4 Ipapo Mosesi akaʋeza mahwendefa maʋiri akafanana nookutaŋga, akamuka maŋgwanani, akakwira mugomo reSinai, seɀaakaŋga arairwa naJehova, akaɓata mahwendefa maʋiri muruʋoko rwake.

5 Jehova akaɓuruka ari mugomo, akamira’po naye, akaɗana zita raJehova.

6 Jehova akapfuʋura pamberi pake, akaɗanidzira, aciti: Jehova, Jehova, Mŋari uzere nyasha neŋgoni, unononoka kutsamŋa, unetsitsi huru neɀokwaɗi.

7 unoceŋgetera ʋaneɀuru ɀamazana nyasha dzake, unoʋakaŋganwira ɀakaipa ɀaʋo nokuɗarika kwaʋo neɀiʋi ɀaʋo, asi usiŋgapembedzi munhu unemhoȿa, unoroʋa ʋana nokuɗa kweɀakaipa ɀamadziɓaɓa aʋo, naʋana ʋaʋana ʋaʋo kuȿikira kurudzi rwecitatu norwecinna.

8 Ipapo Mosesi akakurumidza kukotamisa musoro wake pasi, akafugama.

9 Akati: Ishe, kana ndakawana nyasha kwamuri, Ishe ŋgaafambe pakati peɗu, nokuti ʋanhu aʋa ʋanemitsipa mikukutu; tikaŋganwirei henyu ɀakaipa ɀeɗu neɀiʋi ɀeɗu, mutigamucirei, tiʋe nhaka yenyu.

10 Jehoʋa akati: Tarira, ndinoita suŋgano newe; ndicaita pamberi paʋanhu ʋako ɀinoshamisa, ɀisina‐kumboitwa panyika yose, kana kundudzi dzose; kuti ʋanhu ʋose ʋauri pakati paʋo ʋaʋone ɓasa raJehova, nokuti ndinoita cinhu cinotyisa newe.

11 Raŋgarira ɀandinokuraira nhasi: Tarira, ndodziŋga pamberi pako ʋaAmori, naʋaKanani, naʋaHeti, naʋaPerezi, naʋaHivi, naʋaJebusi.

12 Cenjera kuti urege kuita suŋgano naʋanhu ʋagere munyika iyo kwaunoenda, kuti ɀirege kuʋa musuŋgo kwauri;

13 asi munofanira kuputsa artari dzaʋo, nokuputsanya mabge emifananidzo yaʋo, nokutema matanda aʋo aʋanonamata nawo;

14 nokuti usafugamira ʋamŋe ʋamŋari, nokuti Jehova, unezita rinonzi Unegoɗo, ndiMŋari unegoɗo;

15 kuti urege kuita suŋgano naʋanhu ʋagere munyika iyo, ɀino kana iʋo ʋopata ʋaciteʋera ʋamŋari ʋaʋo, ʋaciɓayira ʋamŋari ʋaʋo, mumŋe akuɗane kuti udye nyama yeɀiɓayiro ɀake;

16 iwe ukatorera ʋanakomana ʋako ʋakunda ʋaʋo, ɀino kana ʋakunda ʋaʋo ʋopata ʋaciteʋera ʋamŋari ʋaʋo, ʋapatise ʋanakomana ʋako ʋo ʋateʋere ʋamŋari ʋaʋo.

17 Usaɀiitira ʋamŋari ʋakaʋumbga.

18 Uite mutambo weɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa. Unofanira kudya ɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa mazuʋa manomŋe, seɀandakakuraira neŋguʋa yakatarwa pamŋedzi weAbibi, nokuti wakaɓuɗa paEgipita pamŋedzi weAbibi.

19 Ɀose ɀinotaŋga kuzarura ciɀaro ndeɀaŋgu, napaɀipfuwo ɀako ɀikono ɀose ɀinotaŋga kuzarura ciɀaro, kana paŋombe kana pamakwai;

20 mŋana wokutaŋga wemboŋgoro unofanira kuudzikinura negwaiana; kana usiŋgaɗi kuudzikinura, unofanira kuvuna mutsipa wawo. Mataŋgwe ose paʋanakomana ʋako unofanira kuʋadzikinura. Kurege kuʋa nomunhu unoʋuya pamberi paŋgu asinecinhu.

21 Unofanira kuɓata mazuʋa matanhatu, asi nezuʋa recinomŋe uzorore, neŋguʋa yokurima neyokukohwa uzorore.

22 Unofanira kuraŋgarira mutambo wamaviki, weɀitȿa ɀekoroni inokohwiwa, nomutambo wokuʋuŋganidza pakupera kwegore.

23 Ʋarume ʋako ʋose ŋgaʋaʋuye pamberi paShe Mŋari, iye Mŋari waIsraeri, katatu negore.

24 Nokuti ndicadziŋga ndudzi pamberi pako, ndikurise miganhu yako; hakuŋgaʋi nomunhu ucaciʋa nyika yako, kana ucikwira katatu pagore kuti uɀiratidze pamberi paJehova, Mŋari wako.

25 Usaʋuya neropa reciɓayiro caŋgu pamŋe cete neciŋgwa cakaʋiriswa; ʋuye ciɓayiro comutambo wepaseka ŋgacirege kuʋata ʋusiku kuȿikira maŋgwana.

26 Ɀokutaŋga ɀeɀitȿa ɀomunda wako unofanira kuʋuya naɀo kumba kwaJehova Mŋari wako. Usaɓika mbudzana mumukaka wamai ʋayo.

27 Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Nyora mashoko iwaya, nokuti ndaita suŋgano newe naʋaIsraeri seɀinoreʋa mashoko iwaya.

28 Akaʋa’ko kunaJehova mazuʋa anamakumi manna noʋusiku ʋunamakumi manna; wakaŋga asiŋgadyi ɀokudya, kana kunwa mvura. Akanyora pamahwendefa mashoko esuŋgano, iyo mirairo inegumi.

29 Ɀino Mosesi wakati aciɓuruka pagomo reSinai, Mosesi akaɓata mahwendefa maʋiri ecipupuriro mumaʋoko ake, Mosesi wakaŋga asiŋgaziʋi, aciɓuruka pagomo, kuti ganda reciso cake rakaŋga ricibginya ɀaakaŋga ataura naye.

30 Ɀino Aroni naʋana ʋaIsraeri ʋose ʋakati ʋaciʋona Mosesi, ʋakaʋona ganda reciso cake ricibginya, ʋakatya kusweɗera kwaari;

31 ipapo Mosesi akaʋaɗana, Aroni naʋakuru ʋose ʋeʋuŋgano ʋakadzokera kwaari, Mosesi akataura naʋo.

32 Pashure ʋana ʋaIsraeri ʋose ʋakasweɗera, iye akaʋaraira ɀose ɀaakaŋga aʋudzwa naJehova pagomo reSinai.

33 Ɀino Mosesi wakati apedza kutaura naʋo akaisa cifukidzo paciso cake.

34 Asi kana Mosesi opinda pamberi paJehova kundotaura naye, waibvisa cifukidzo kuȿikira aciɓuɗa; ɀino woɓuɗa, ndokuʋudza ʋana ʋaIsraeri ɀarairwa.

35 Ʋana ʋaIsraeri ʋakaʋona ciso caMosesi, kuti ganda reciso caMosesi raibginya; ɀino Mosesi wodzosera ɀe cifukidzo paciso cake, kuȿikira opinda kundotaura naye.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Follow us:



Advertisements