Online Bible

- Advertisements -


Eksodo 31 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Bezareri naOhoriabi ʋanogadzwa paɓasa.

1 Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati:

2 Tarira, ndaɗana Bezareri, mŋanakomana waUri, mŋanakomana waHuri, worudzi rwaJuda, nezita rake,

3 ndikamuzadza noMŋeya waMŋari, noʋucenjeri, nokunzwisisa, nokuziʋa kwose, nokugona marudzi ose amaɓasa,

4 kuti afuŋge mano oʋumhizha, nokuɓata nendarama, nesirveri, nendarira,

5 nokuʋeza mabge anoiswa mukati, nokuʋeza matanda, nokugona marudzi ose amaɓasa.

6 Ʋuye ini, tarira ndakagadza pamŋe cete naye Ohoriabi, mŋanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDani; nomumŋoyo yaʋose ʋanemŋoyo yakaŋgwara ndakaisa ʋucenjeri, kuti ʋaite ɀose ɀandakakuraira,

7 ɀinoti: Tente rokusoŋgana, neareka yecipupuriro, necifunhiro cokuyananisa ciri pamsoro payo, nenhumbi dzose dzetabernakeri,

8 netafura nenhumbi dzayo, necigadziko cemŋenje cakaiȿo‐naka nenhumbi dzaco dzose, neartari yeɀinonhuwira,

9 neartari yeɀipiriso ɀinopiswa nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira necigadziko cawo,

10 neŋguʋo dzakarukwa ɀakanaka, neŋguʋo tȿene dzaAroni muprista, neŋguʋo dzaʋanakomana ʋake dzokuɓate‐ɓasa roʋuprista nadzo,

11 namafuta okuzodza nawo, neɀinonhuwira ɀemiti inonaka ɀapanɀimbo tȿene; ʋanofanira kuita ɀose seɀandakakuraira.


Murairo wesaɓata.

12 Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati:

13 Taura naʋana ʋaIsraeri, uti: Ɀirokwaɀo munofanira kuceŋgeta masaɓata aŋgu; nokuti ciratidzo pakati paŋgu nemi kuȿikira kumarudzi enyu ose, muziʋe kuti ndini Jehova unokutsaurai.

14 Naiɀoɀo ceŋgetai saɓata, nokuti idɀene kwamuri; aninani unoriɀidza ŋgaaʋurawe ɀirokwaɀo; nokuti aninani unoɓate‐ɓasa ripi neripi naro, munhu uyo ŋgaabviswe pakati porudzi rwake.

15 Maɓasa ose ŋgaaɓatwe namazuʋa matanhatu, asi zuʋa recinomŋe isaɓata rokuzorora kwaɀo, idɀene kunaJehova; aninani unoɓate‐ɓasa ripi neripi nezuʋa resaɓata, ŋgaaʋurawe ɀirokwaɀo.

16 Naiɀoɀo ʋana ʋaIsraeri ʋanofanira kuceŋgeta saɓata, ʋaraŋgarire saɓata kuȿikira kumarudzi aʋo ose; iʋe suŋgano isiŋgaperi.

17 Ciratidzo pakati paŋgu naʋana ʋaIsraeri nokusiŋgaperi; nokuti Jehova wakaita ɗeŋga nenyika namazuʋa matanhatu, akazorora nezuʋa recinomŋe, akasimbiswa.

18 Ɀino wakati apedza kutaura naMosesi pagomo reSinai, akamupa mahwendefa maʋiri ecipupuriro, mahwendefa amabge akaŋga akanyorwa nomunwe waMŋari.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Follow us:



Advertisements