Eksodo 22 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Mirairo pamsoro peɀaʋamŋe. 1 Kana munhu akaɓa nzombe kana gwai, akaɀiʋuraya, kana akaɀiteŋgesa, unofanira kuripa nenzombe shanu panzombe imŋe, namakwai manna pagwai rimŋe. 2 Kana mbava ikaɓatwa icipaza, ikarobga, ikafa, wamuʋuraya haaŋgaʋi nemhoȿa paropa rake. 3 Asi kana zuʋa rakaŋga ramuɓuɗira, ucaʋa nemhoȿa paropa rake, unofanira kuripa; kana asinecinhu unofanira kuteŋgeswa nokuɗa kwokuɓa kwake. 4 Kana caakaŋga aɓa cikawanikwa muruʋoko rwake ciciri cipenyu, kana iri nzombe, kana mboŋgoro, kana gwai, unofanira kuripa kaʋiri. 5 Kana munhu akadyisa munda, kana munda wemizambiriŋga, akasundira cipfuwo cake, cikandodya munda womumŋe, unofanira kuripa neɀakaiȿo‐naka ɀomunda wake, neɀakaiȿo‐naka ɀomunda wake wemizambiriŋga. 6 Kana mŋoto ukaɗarikira, ukaɓata minzwa, ukapisa murwi weɀiyo, kana ɀiyo ɀiciri mumunda, kana munda umene, iye wakatuŋgidza mŋoto unofanira kuripa. 7 Kana munhu aciŋge apa wokwake mari kana nhumbi kuti aɀiceŋgete, ɀikaɓiwa mumba momunhu uyo, mbava, kana ikawanikwa, inofanira kuripa kaʋiri. 8 Kana mbava ikasawanikwa, muridzi weimba unofanira kusweɗera kunaMŋari, kuti ɀiʋonekwe kana iye asina‐kuisa ruʋoko rwake panhumbi dzowokwake, 9 pamhaka dzose dzokuɗarika, kana iri yenzombe, kana yemboŋgoro, kana yegwai, kana yecokufuka, kana yecinhu cipi necipi cakarashika, kana ɀikanzi, Ndico! mhaka yaʋose ʋaʋiri inofanira kuʋuya pamberi paMŋari; uyo unopiwa mhoȿa naMŋari unofanira kuripira wokwake kaʋiri. 10 Kana munhu akapa wokwake mboŋgoro, kana nzombe, kana gwai, kana cimŋe cipfuwo, kuti aciceŋgete, cikafa, kana kukuʋara, kana kutinhwa asinakuɀiʋona; 11 iʋo ʋaʋiri ŋgaʋapikirane pamberi paJehova, kuti ɀiʋonekwe kana akaisa ruʋoko rwake panhumbi dzowokwake; muridzi waɀo ŋgaatende naɀo, iye arege kuripa. 12 Asi kana ɀikaɓiwa ɀiri kwaari, unofanira kuripira muridzi waɀo 13 Kana ɀikabvamburwa necikara, ŋgaaʋuye naɀo ciʋe capupu; haafaniri kuripa ɀabvamburwa. 14 Kana munhu aciŋge akumbira cinhu kunowokwake, cikakuʋara, kana kufa, muridzi waco asisi’po, ɀirokwaɀo unofanira kuciripa. 15 Kana muridzi waco ari’po, haafaniri kuripa; kana ciri cinhu cairipirwa, muripo waco waʋuya panɀimbo yaco. 16 Kana munhu aciŋge anyeŋgedzera musikana usina‐kunyeŋgwa, akaʋata naye, ɀirokwaɀo unofanira kumuroʋora, aʋe mukadzi wake. 17 Kana ɓaɓa ʋake ʋakaramba cose kumupa iye, unofanira kuripa mari yakaenzana neroʋoro yaʋasikana. 18 Usarega muroyi ari mupenyu. 19 Aninani unoʋata necipfuwo, ɀirokwaɀo unofanira kuʋurawa. 20 Unoɓayira mumŋe mŋari, asi Jehova cete, unofanira kuparadzwa cose. 21 Usaitira mutorwa ɀakaipa, kana kumumanikidza, nokuti nemi ʋo maiʋa ʋatorwa munyika yeEgipita. 22 Usatambudza cirikadzi kana nherera. 23 Kana ukatoŋgoʋatambudza, ʋakaɗana kwandiri, ndicaterera kuɗana kwaʋo; 24 kutsamŋa kwaŋgu kucamuka, ndikakuʋurayai nomunondo: ʋakadzi ʋenyu ʋacaʋa cirikadzi, naʋana ʋenyu nherera. 25 Kana ukapa mumŋe waʋanhu ʋaŋgu ʋaunaʋo cikwerete cemari, ari murombo, usaita kwaari somupi wecikwerete; usareʋa mhindu kwaari. 26 Kana ukatoŋgotora ŋguʋo yowokwako ruʋe ruɓatso, unofanira kuidzosera kwaari zuʋa roʋira; 27 nokuti ndico cokufuka cake coga, iŋguʋo yake yaanofukidza nayo ganda rake; ucaʋata neiko? Kana iye akaɗana kwandiri, ndicamunzwa, nokuti ndinetsitsi. 28 Usatuka Mŋari, kana kushuridzira muɓati pakati paʋanhu ʋako. 29 Usanonoka kupa Mŋari ɀimŋe kuneɀizhinji ɀeɀiyo ɀako neɀinonwiwa. Undipe ɗaŋgwe raʋana ʋako ʋaʋakomana. 30 Uite ʋo saiɀoɀo nenzombe dzako namakwai ako; rigare mazuʋa manomŋe namai ʋaro, ugondipa iro nezuʋa rorusere. 31 Imi munofanira kuʋa ʋanhu ʋatȿene kwandiri; naiɀoɀo hamufaniri kudya nyama yakabvamburwa neɀikara kusaŋgo, muikandire imbga. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society