Eksodo 2 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Kuɓerekwa kwaMosesi. Unoʋuraya muEgipita, ndokutizira Midiani. 1 Ɀino mumŋe murume weimba yaʋaRevi wakawana mukunda waʋaRevi. 2 Mukadzi akaʋa nemimba, akaɓereka mŋanakomana; ɀino wakati aciʋona kuti mŋana wakanaka, akamuʋanza mŋedzi mitatu. 3 Wakati asicagoni kumuʋanza, akamutorera tswanda yenhokwe, akainamira nebitumini nenamo, akaisa mŋana mukati mayo, akaigadzika pakati petsaŋga pamhenderekedzo dzorwizi. 4 Hanɀadzi yake ikandomira kure ɀishoma, kuti aziʋe ɀicaitwa naye. 5 Ɀino mukunda waFarao wakaɓuruka kundoshamba murwizi, ʋasikana ʋake ʋakafamba‐famba pamhenderekedzo dzorwizi; iye akaʋona tswanda pakati petsaŋga, ndokutuma musikana wake kundoitora. 6 Akaizarura, akaʋona mŋana, mŋana wecikomana, ʋonei unocema. Akamunzwira ŋgoni, akati: Ndomumŋe waʋana ʋaʋaHeberu. 7 Ipapo hanɀadzi yake yakati kumukunda waFarao: Ko handiŋgaendi ndikakuɗanirai mumŋisi kuʋakadzi ʋaʋaHeberu, kuti akumŋisirei mŋana here? 8 Mukunda waFarao akati kwaari: Enda. Musikana akaenda, akandoɗana mai ʋomŋana. 9 Mukunda waFarao akati kwaari: Tora mŋana uyu, undimŋisire iye, ndigokupa muɓairo wako. Mukadzi akatora mŋana, akandomumŋisa. 10 Mŋana akakura, akandomuisa kumukunda waFarao, akaʋa mŋanakomana wake, akamutumidza zita rinonzi Mosesi, akati: Nokuti ndamunyukura mumvura. 11 Ɀino namazuʋa iwayo Mosesi akura, akaenda kundoʋona hama dzake, akandotarira mirimo yaʋo; akaʋona muEgipita aciroʋa muHeberu, mumŋe wehama dzake. 12 Akariŋga‐riŋga, ɀino aciʋona kuti hapanomunhu’po, akaʋuraya muEgipita, akamuʋiga mujeca. 13 Akaɓuɗa ɀe nezuʋa recipiri, akaʋona ʋarume ʋaʋiri ʋaHeberu ʋacirwa; akati kunaiye waiʋa nemhoȿa: Unoroʋereiko munhu wokwako? 14 Iye akati: Ndianiko wakakuita ishe nomutoŋgi weɗu? Unoɗa kundiʋuraya ini seɀawakaʋuraya uya muEgipita kanhi? Mosesi akatya, akati: Ɀirokwaɀo, cinhu ici cazikanwa. 15 Ɀino Farao wakati anzwa cinhu ico, akatȿaka kuʋuraya Mosesi. Asi Mosesi wakatiza pamberi paFarao, akandogara kunyika yeMidiani, akagara pasi patsime. 16 Ɀino muprista weMidiani wakaŋga anaʋakunda ʋanomŋe; iʋo ʋakaʋuya kuzocera mvura, ʋakazadza ɀinwiro, kuti ʋanwise makwai aɓaɓa ʋaʋo. 17 Ʋafudzi ʋakaʋuya, ʋakaʋadziŋga’po, asi Mosesi wakasimuka, akaʋaɓatsira, akanwisa makwai aʋo. 18 Ɀino ʋakati ʋaciȿika kunaRehueri, ɓaɓa ʋaʋo, iʋo ʋakati: Makurumidza kudzoka seiko nhasi? 19 Ʋakati: MuEgipita wakatirwira pamaʋoko aʋafudzi, akaticerera mvura, akanwisa makwai. 20 Akati kuʋakunda ʋake: Ɀino uripiko? Munhu uyu mamusiyirei? Muɗanei, adye ɀokudya. 21 Mosesi akatenda kugara nomunhu uyo; akapa Mosesi mukunda wake Zipora. 22 Akaɓereka mŋanakomana, akamutumidza zita rinonzi Gershomi, nokuti wakati: Ndakaŋga ndiri mutorwa munyika yaʋamŋe. 23 Ɀino mazuʋa mazhinji akati apfuʋura, mambo weEgipita akafa; ʋana ʋaIsraeri ʋakagomera nokuɗa kwoʋuranda bgaʋo, ʋakaɗanidzira, kuɗanidzira kwaʋo kukaȿika kunaMŋari nokuɗa kwoʋuranda. 24 Mŋari akanzwa kugomba kwaʋo, Mŋari akaraŋgarira suŋgano yake naAbrahama, naIsaka, naJakobo. 25 Mŋari akaʋona ʋana ʋaIsraeri, Mŋari akaʋaraŋgarira. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society