Online Bible

- Advertisements -


Mapisarema 94 - Shona BIBLE


Jehovha ndiye Mutongi akarurama

1 Jehovha, imi Mwari mutsivi, Imi Mwari mutsivi, penyai.

2 Zvisimudzei, imi Mutongi wenyika; Ipai vanozvikudza sezvavakafanira.

3 Jehovha, vakaipa vachafara kwazvo kusvikira rinhiko, Vakaipa vachafara kwazvo kusvikira rinhi?

4 Vanongotaura havo, vanotaura vachizvikudza, Vaiti vose vezvakaipa vanoita manyawi.

5 Vanopwanya vanhu venyu, Jehovha, Vachitambudza nhaka yenyu.

6 Vanouraya chirikadzi nomweni, Nenherera vanodziuraya.

7 Vachiti, “Jehovha haazvioni, Mwari waJakobho haazvirangariri.”

8 Rangarirai imi vasina njere pakati pavanhu; Nemi mapenzi, muchava vakachenjera rinhiko?

9 Iye, akasima nzeve, haanganzwi here? Iye, akaumba ziso, haangaoni here?

10 Iye, anoranga vahedheni, haangarairi here? Iye, anodzidzisa vanhu zivo?

11 Jehovha anoziva kufunga kwavanhu, Kuti hazvina maturo.

12 Akaropafadzwa munhu, anorangwa nemi, Jehovha, Iye wamunodzidzisa pamurairo wenyu;

13 Kuti mumuzorodzei pamazuva okutambudzika, Kusvikira vakaipa vachererwa gomba.

14 Nokuti Jehovha haangarashi vanhu vake, Uye haangasiyi nhaka yake.

15 Nokuti kutonga kuchadzokera kukururama; Vose vane mwoyo yakarurama vachakutevera.

16 Ndianiko achandirwira pavaiti vezvakaipa? Ndianiko achandibatsira pana vanoita zvakaipa?

17 Dai Jehovha aisava mubatsiri wangu, Mweya wangu ungadai wakakurumidza kugara pakati mwii.

18 Panguva yandakati, “Rutsoka rwangu rwotedzemuka;” Ngoni dzenyu, Jehovha, dzakanditsigira.

19 Mundangariro dzangu zhinji mukati mangu Kunyaradza kwenyu kunofadza mweya wangu.

20 Chigaro chezvakaipa chingashamwaridzana nemi here, Icho chinofunga kuita zvakashata nemitemo yacho?

21 Vanounganira upenyu hwowakarurama, Vachipa mhosva ropa risina mhosva.

22 Asi Jehovha ndiye nhare yangu yakasimba; Mwari wangu idombo routiziro hwangu.

23 Achadzosera pamusoro pavo kutadza kwavo, Achavaparadza pakati pokuita kwavo; Jehovha Mwari wedu achavaparadza.

Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.

Bible Society of Zimbabwe
Follow us:



Advertisements