Mapisarema 93 - Shona BIBLEJehovha ndiye Mambo mukuru 1 Jehovha anobata ushe; akafuka umambo; Jehovha akafuka simba, akazvisunga chiuno naro; Nyikawo yakateyiwa, haingazununguswi. 2 Chigaro chenyu choushe chakasimbiswa kubva kare; Imi muripo kubva pakusingaperi. 3 Jehovha, nzizi dzakanzwisa. Nzizi dzakanzwisa mazwi adzo; Nzizi dzinonzwisa kutinhira kwadzo. 4 Jehovha anokunda mazwi emvura zhinji, Namafungu ane simba egungwa, Jehovha, ari kumusoro, ndiye ane simba. 5 Zvipupuriro zvenyu ndezvamazvokwadi kwazvo; Utsvene unofanira imba yenyu, Jehovha, nokusingaperi. |
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.
Bible Society of Zimbabwe