Mapisarema 92 - Shona BIBLERwiyo rwokurumbidza Jehovha Pisarema, rwiyo rweSabata. 1 Zvakanaka kuvonga Jehovha, Nokuimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imi Wokumusorosoro; 2 Kuparidza unyoro hwenyu mangwanani, Nokutendeka kwenyu usiku hwose, 3 Nechinoridzwa chine ungiso gumi, nomutengeranwa; Nezwi rakanaka pambira. 4 Nokuti imi, Jehovha, makandifadza nezvamakaita; Ndichafara kwazvo namabasa amaoko enyu. 5 Mabasa enyu akakura seiko, Jehovha! Mifungo yenyu yakadzika kwazvo. 6 Asina njere haazvizivi; Benzi harinzwisisi izvozvi, 7 Kana vakaipa vachimera souswa, Uye kana vaiti vose vezvakaipa vachikura; Zvinoitwa kuti vaparadzwe nokusingaperi. 8 Asi imi Jehovha, muri kumusoro nokusingaperi. 9 Nokuti tarirai, Jehovha, vavengi venyu, Nokuti tarirai, Jehovha, vavengi venyu vachaparara; Vaiti vose vezvakaipa vachaparadzirwa. 10 Asi runyanga rwangu makarusimudza sorunyanga rwenyati; Ndakazodzwa namafuta matsva. 11 Ziso rangu rakaona zvakaitirwa vavengi vangu, Nzeve dzangu dzakanzwa zvakaitirwa vaiti vezvakaipa, vakandimukira. 12 Akarurama achamera somuchindwe; Achakura somusidhari yokuRebhanoni. 13 Vakasimwa mumba maJehovha Vachakura muvazhe dzaMwari wedu. 14 Vacharamba vachibereka zvibereko pakukwegura kwavo; Vachava vanyoro navatsva; 15 Kuti vaparidze kuti Jehovha akarurama; Ndiye dombo rangu, hapana chinhu chisina kururama maari. |
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.
Bible Society of Zimbabwe