Online Bible

- Advertisements -


Mapisarema 91 - Shona BIBLE


Mufaro womunhu anochengetwa naJehovha

1 Uyo agere panzvimbo yokuvanda yoWokumusorosoro Acharambira pamumvuri wowaMasimbaose.

2 Ndichati pamusoro paJehovha, “Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu, Iye Mwari wangu, wandinovimba naye.”

3 Nokuti iye achakurwira parugombe rwomuteyi weshiri, Napachirwere chinouraya zvikuru.

4 Iye achakufukidza nemhinenga yake, Uchatizira pasi pamapapiro ake; Zvokwadi yake inhoo huru neduku.

5 Haungatyi chinhu chinovhundusa usiku, Kana museve unofurwa masikati;

6 Kana chirwere chinofamba murima, Kana kuparadza kunouraya masikati.

7 Kurutivi rwako kuchawa vane gumi ramazana, Nezana ramazana paruoko rwako rworudyi; Asi hazvingaswederi kwauri.

8 Uchangozvitarira hako nameso ako, Ukaona mubairo wavakaipa.

9 Nokuti imi Jehovha, muri utiziro hwangu! Iwe wakaita Wokumusorosoro ugaro hwako.

10 Hapana chakaipa chingakuwira, Uye hapana chirwere chichaswedera patende rako.

11 Nokuti iye acharaira vatumwa vake pamusoro pako, Kuti vakuchengete panzira dzako dzose.

12 Vachakusimudza pamaoko avo, Kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabwe.

13 Uchatsika pamusoro peshumba nechiva; Mwana weshumba nenyoka uchazvitsikirira pasi.

14 “Zvaakandida, ndichamurwira; Ndichamuisa pakakwirira, nokuti wakaziva zita rangu.

15 Iye achadana kwandiri, ndichamupindura; Ini ndichava naye pakutambudzika; Ndichamurwira, nokumukudza.

16 Ndichamugutsa noupenyu hurefu, Nokumuratidza ruponeso rwangu.”

Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.

Bible Society of Zimbabwe
Follow us:



Advertisements