Online Bible

- Advertisements -


Mapisarema 83 - Shona BIBLE


Munyengetero kuti Mwari arwire vanhu vake
Rwiyo, Pisarema raAsafi.

1 Haiwa Jehovha, regai kuramba munyerere; Regai kuramba musingatauri, musanyarara Mwari.

2 Nokuti tarirai, vavengi venyu vanoita bope; Vanokuvengai vakasimudza misoro yavo.

3 Vanofunga mano kuti vanyengere vanhu venyu, Vanorangana pamusoro pavakavanzwa nemi.

4 Vakati, “Uyai, tivaparadze, varege kuzova rudzi; Kuti zita raIsiraeri rirege kuzorangarirwa.”

5 Nokuti vakarangana nomwoyo mumwe; Vanoita sungano kuzorwa nemi.

6 Matende aEdhomu navaIshimaeri; Moabhu navaHagari;

7 Gebhari, naAmoni, naAmareki; Firisitia pamwechete navagere Taya;

8 Asiriawo wakasangana navo; Vakabatsira vana vaRoti.

9 Muvaitire sezvamakaitira Midhiani; NaSisera, naJabhini, paRwizi Kishoni;

10 Ivo vakaparadzwa paEndori; Vakava mupfudze wapasi.

11 Itai vakuru vavo saOrebhi naZeebhi; Zvirokwazvo, machinda avo ose saZebha naZarimuna;

12 Ivo vakati, “Ngatizvitorere Ugaro hwaMwari huve hwedu.”

13 Mwari wangu, muvaite seguruva rinondeyeswa nemhepo; Samakoto anodzingwa nemhepo.

14 Somoto unopisa dondo, Somurazvo womoto unopisa makomo;

15 Muvateverere saizvozvo nedutu renyu remhepo, Muvavhunduse nechamupupuri chenyu.

16 Fukidzai zviso zvavo nokunyadziswa; Kuti vatsvake zita renyu, Jehovha.

17 Ngavanyadziswe, vavhunduswe nokusingaperi; Zvirokwazvo, ngavanyadziswe vafe;

18 Vazive kuti imi moga, imi mune zita rinonzi Jehovha, Ndimi Wokumusorosoro kumusoro kwapasi pose.

Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.

Bible Society of Zimbabwe
Follow us:



Advertisements