Online Bible

- Advertisements -


Mapisarema 79 - Shona BIBLE


Mwari ngaakanganwire vanhu vake, avarwire
Pisarema raAsafi.

1 Haiwa Mwari, vahedheni vakapinda panhaka yenyu; Vakasvibisa temberi yenyu tsvene; Jerusaremu vakariita dongo.

2 Zvitunha zvavaranda venyu vakazvipa shiri dzokudenga zvive zvokudya zvadzo. Uye nyama yavatsvene venyu vakaipa zvikara zvapasi.

3 Vakateura ropa ravo pose pose paJerusaremu semvura; Vakashaiwa anovaviga.

4 Tava chinhu chinoshorwa navatigere navo, Chinhu chinozvidzwa nechinosekwa navakatipoteredza.

5 Haiwa Jehovha, mucharamba makatsamwa nokusingaperi kusvikira rinhiko? Godo renyu richapfuta somoto here?

6 Dururai hasha dzenyu pamusoro pavahedheni vasingakuziviyi, Napamusoro poushe huzhinji, husingadi zita renyu.

7 Nokuti vakapedza Jakobho, Vakaparadza ugaro hwake.

8 Musarangarira kutirova pamusoro pezvakaipa zvamadzibaba edu; Ngoni dzenyu nyoro ngadzikurumidze kusangana nesu; Nokuti taneta kwazvo.

9 Tibatsirei, Mwari muponesi wedu, nokuda kwomukurumbira wezita renyu; Mutirwire, mudzime zvivi zvedu nokuda kwezita renyu.

10 Vahedheni vacharevereiko, vachiti, “Mwari wavo aripiko?” Kutsihwa kweropa ravaranda venyu, rakateurwa, Ngakuzikanwe pakati pavahedheni pamberi pedu.

11 Kugomera kwomusungwa ngakusvike kwamuri; Noukuru hwesimba renyu chengetai vana vorufu;

12 Mutsivire vagere nesu kanomwe pachipfuva chavo. Kushora kwavakakushorai nako, imi Ishe.

13 Naizvozvo isu vanhu venyu, namakwai amafuro enyu, Tichakuvongai nokusingaperi; Ticharatidza kurumbidzwa kwenyu kumarudzi namarudzi.

Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.

Bible Society of Zimbabwe
Follow us:



Advertisements