Mapisarema 4 - Shona BIBLEMufaro norugare zviri kuna Jehovha Kumutungamiri wenziyo; nemitengeranwa. Pisarema raDhavhidhi. 1 Ndipindurei kana ndichidana, Mwari wokururama kwangu; Pakumanikidzwa kwangu makandiisa pakafarikana; Ndinzwirei tsitsi, munzwe munyengetero wangu. 2 Nhai vanakomana vavanhu, kukudzwa kwangu kuchashandurwa kunyadziswa kusvikira rinhiko? Muchada zvisina maturo, nokutsvaka nhema kusvikira rinhi? 3 Asi zivai kuti Jehovha akazvitsaurira munhu anomuda, Jehovha achanzwa kana ndichidana kwaari. 4 Ityai, murege kutadza; Tauriranai nemwoyo yenyu panhoo dzenyu, muti mwii. 5 Bairai zvibairo zvokururama, Muvimbe naJehovha. 6 Vazhinji variko vanoti, “Ndianiko achatiratidza zvakanaka? Jehovha, simudzirai pamusoro pedu chiedza chechiso chenyu.” 7 Makaisa mufaro mumwoyo mangu, Unopfuura wavanhu kana zviyo zvavo newaini yavo zvawanzwa. 8 Ndichavata pasi norugare, ndibatwe nehope; Nokuti ndimi moga Jehovha munondigarisa pakasimba. |
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.
Bible Society of Zimbabwe