Mapisarema 2 - Shona BIBLEKukunda kwohushe hwaMesiya 1 Ndudzi dzinoitireiko bope, Navanhu vanofungireiko zvisina maturo? 2 Madzimambo enyika anozvigadzira, Navabati vanorangana, Kuzorwa naJehovha nomuzodziwa wake, vachiti, 3 “Ngatidambure zvisungo zvavo, Ngatirashe mabote avo abve kwatiri.” 4 Iye, agere kudenga denga, achaseka; Ishe achavadadira. 5 Ipapo achataura kwavari pakutsamwa kwake, Nokuvavhundusa pahasha dzake huru; 6 “Kunyangwe zvakadaro ini ndakagadza mambo wangu paZioni, iro gomo rangu dzvene.” 7 Ndichaparidza chirevo, chinoti, “Jehovha akati kwandiri, ‘Ndiwe mwanakomana wangu; Nhasi ndakubereka. 8 Kumbira kwandiri, ndikupe ndudzi ive nhaka yako, Nemigumo yenyika zvive zvako. 9 Muchavapwanya netsvimbo youtare; Muchavaputsanya sehari yomuwumbi.’ ” 10 Zvino chivai nenjere, imi madzimambo; Munyeverwe, imi vatongi venyika. 11 Shumirai Jehovha nokutya, Mufare muchidedera. 12 Tsvodai mwanakomana, arege kutsamwa, mufire panzira, Nokuti hasha dzake dzingakurumidza kumuka. Vakakomborerwa vose vanovimba naye. |
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.
Bible Society of Zimbabwe