Johane 2 - Shona BIBLEJesu anoshandura mvura ikava waini 1 Nezuva retatu muchato waivapo paKana yeGareriya; namai vaJesu vakanga varipo. 2 NaJesu navadzidzi vake vakanga vadanwawo kumuchato. 3 Waini yakati ichizoshayikwa, mai vaJesu vakati kwaari, “Havachine waini.” 4 Jesu akati kwavari, “Ndineiko nemi, mai? Nguva yangu ichigere kusvika.” 5 Mai vake vakati kuvaranda, “Itai zvose zvaanokuudzai.” 6 Zvino kwakanga kuna makate matanhatu amabwe, akanga aiswapo netsika yavaJudha yokuzvinatsa, rimwe nerimwe raizadzwa nezviero zviviri kana zvitatu. 7 Jesu akati kwavari, “Zadzai makate nemvura.” Ivo vakaazadza kusvikira pamiromo. 8 Akati kwavari, “Cherai zvino muise kumukuru womuchato.” Vakandoisa. 9 Zvino mukuru womuchato wakati aravira mvura yakasanduka waini, asingazivi payabva, (asi varanda, vakanga vachera mvura, vaiziva), mukuru womuchato akadana muwani, 10 akati kwaari, “Munhu mumwe nomumwe anositanga abudisa waini yakanaka, neisinganaki kana vanwa kwazvo; asi iwe wachengeta waini yakanaka kusvikira zvino.” 11 Ichi chiratidzo chake chokutanga Jesu akaita paKana yeGareriya, akaratidza kubwinya kwake; vadzidzi vake vakatenda kwaari. 12 Shure kwaizvozvo akaburukira Kapenaume, iye namai vake navanun'una, navadzidzi vake; akagarapo mazuva mashomanane. Jesu anonatsa temberi ( Mat 21:12 , 13 ; Mako 11:15–17 ; Ruka 19:45 , 46 ) 13 Pasika yavaJudha yakanga yava pedyo; zvino Jesu akakwira Jerusaremu. 14 Akawana mutemberi vaitengesa mombe namakwai nenjiva, navaitsinhanha mari, vageremo. 15 Akaruka tyava yetambo, akabudisa mutemberi makwai nemombe zvose; akaparadza mari yavaitsinhanha, nokuwisa matafura avo. 16 Akati kuna vaitengesa njiva, “Bvisai zvinhu izvozvo muno; musaita imba yaBaba vangu imba yokutengesera.” 17 Vadzidzi vake vakarangarira kuti kwakanyorwa, kuchinzi, “Kushingairira imba yenyu kuchandipedza.” 18 Zvino vaJudha vakapindura, vakati kwaari, “Ungatiratidza chiratidzo cheiko, zvaunoita zvinhu izvozvo?” 19 Jesu akapindura, akati kwavari, “Putsai temberi iyi, ini ndichaimutsazve namazuva matatu.” 20 Zvino vaJudha vakati, “Temberi iyi yakavakwa namakore ana makumi mana namatanhatu, zvino iwe ungaimutsa namazuva matatu here?” 21 Asi iye akanga achireva temberi yomuviri wake. 22 Zvino akati amutswa kuvakafa, vadzidzi vake vakayeuka, kuti akanga areva izvozvo; vakatenda Rugwaro neshoko rakanga rarehwa naJesu. 23 Zvino nguva yaakanga ari Jerusaremu pamutambo wePasika, vazhinji vakatenda kuzita rake, vachiona zviratidzo zvaaiita. 24 Asi Jesu haana kutendeseka navo, nokuti akanga achivaziva vose. 25 Akanga asingatsvaki kuti munhu mumwe apupure zvomunhu; nokuti akanga achiziva iye zviri mumunhu. |
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.
Bible Society of Zimbabwe