Online Bible

- Advertisements -


Genesi 8 - Shona BIBLE


Nowa anobuda muareka

1 Zvino Mwari wakarangarira Nowa nezvipenyu zvose, nezvipfuwo zvose zvakanga zviri muareka naye; Mwari akafambisa mhepo panyika, mvura ikaserera,

2 namatsime apakadzika namahwindo edenga akazarirwa, nemvura yakabva kudenga ikadziviswa,

3 mvura ikaramba ichidzoka panyika; mazuva ane zana namakumi mashanu akati apfuura, mvura ikaderera.

4 Nomwedzi wechinomwe, nezuva regumi namanomwe romwedzi, areka ikamira pamusoro pamakomo eArarati.

5 Mvura ikaramba ichiderera kusvikira pamwedzi wegumi; nomwedzi wegumi, nezuva rokutanga romwedzi misoro yamakomo ikaonekwa.

6 Mazuva ana makumi mana akati apfuura, Nowa akazarura hwindo reareka raakanga aita;

7 akabudisa gunguo, iro rikaramba richibhururuka–bhururuka kusvikira mvura yapwa panyika.

8 Ipapo akabhururutsa njiva paakanga ari, kuti aone kana mvura yaserera panyika;

9 asi njiva haina kuwana pokuzorodza rutsoka rwayo, ikadzokera kwaari kuareka, nokuti mvura yakanga iri pamusoro penyika yose; akatambanudza ruoko rwake, akaitora, akaipinza kwaari muareka.

10 Ipapo akagara mamwe mazuva manomwezve, akabudisazve njiva paareka;

11 njiva ikapinda kwaari madekwana; onei mumuromo mayo makanga muine rushizha rwomuorivhi rwakatanhwa; naizvozvo Nowa wakaziva kuti mvura yakanga yaserera panyika.

12 Akagarazve mazuva manomwe, akabudisazve njiva; iyo haina kudzokerazve kwaari.

13 Pagore ramazana matanhatu nerimwe, pamwedzi wokutanga, nomusi wokutanga womwedzi, mvura yakanga yapwa panyika; ipapo Nowa akabvisa denga reareka, akatarira, onei pasi pose paoma.

14 Nomwedzi wechipiri, nezuva ramakumi maviri namanomwe romwedzi, nyika yakanga yaoma.

15 Zvino Mwari wakataura naNowa akati,

16 “Budai muareka, iwe, nomukadzi wako, navanakomana vako, navakadzi vavanakomana vako, pamwechete newe.

17 Budisawo pamwechete newe zvipenyu zvose zvenyama zvinewe, zvinoti, shiri, nezvipfuwo, nezvinokambaira zvose, nezvinokambaira panyika, kuti zviwande panyika, zvibereke, zvive zvizhinji panyika.”

18 Ipapo Nowa akabuda, iye navanakomana vake, nomukadzi wake, navakadzi vavanakomana vake pamwechete naye;

19 nemhuka dzose, nezvinokambaira zvose, neshiri dzose, nezvose zvinofamba panyika, namarudzi azvo, zvakabuda paareka.

20 Nowa akavakira Jehovha atari, akatora dzimwe pamhuka dzose dzakanaka neshiri dzose dzakanaka, akapisira zvipiriso zvinopiswa paatari.

21 Jehovha akanzwa kunhuwira kwakanaka, Jehovha akati mumwoyo make, “Handichazotukizve nyika nokuda kwomunhu; nokuti kufunga kwomwoyo womunhu kwakaipa kubva pauduku hwake; handichazorovizve zvipenyu zvose, sezvandakaita.

22 Nguva yose yenyika kudyara nokucheka, kutonhora nokudziya, zhizha nechando, masikati nousiku hazvingagumi.”

Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.

Bible Society of Zimbabwe
Follow us:



Advertisements