Online Bible

- Advertisements -


Eksodo 6 - Shona BIBLE


Jehovha anovapikirazve kuti achavabudisa panyika yeIjipiti

1 Jehovha akati kuna Mosesi, “Zvino muchaona zvandichaitira Farao, nokuti achavatendera kuenda noruoko rune simba, uchavadzinga munyika yake noruoko rune simba.”

2 Mwari akataurawo naMosesi, akati kwaari, “Ndini JEHOVHA.

3 Ndakazviratidza kuna Abhurahamu, nokuna Isaka, nokuna Jakobho, ndiri Mwari waMasimbaose, asi ndakanga ndisingazikanwi navo nezita rangu rinonzi JEHOVHA.

4 Zvino ndakasimbisa sungano yangu navo kuti ndivape nyika yeKenani, nyika youtorwa hwavo, mavakanga vari vatorwa.

5 Ndakanzwa kugomera kwavana VaIsiraeri vakasungwa naVaIjipiti pauranda, ndikarangarira sungano yangu.

6 Naizvozvo muti kuvana VaIsiraeri, ‘Ndini Jehovha, ini ndichakubudisai pamitoro yaVaIjipiti, ndichakusunungurai pauranda hwenyu, ndichakudzikinurai noruoko rwakatambanudzwa, uye nokutonga kukuru.’

7 Ndichakutorai imi kuti muve vanhu vangu, ini ndichava Mwari wenyu, iye anokubudisai pamitoro yaVaIjipiti.

8 Ndichakuisai kunyika yandakasimudzira ruoko rwangu kuti ndiipe Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, ndichakupai iyo ive nhaka yenyu; ndini Jehovha.”

9 Mosesi akataura saizvozvo kuvana VaIsiraeri, asi havana kuteerera Mosesi nokuda kweshungu dzomweya nedzouranda hwakanga uchirema.

10 Zvino Jehovha akataura naMosesi akati,

11 “Pinda, unotaura naFarao mambo weIjipiti, kuti atendere vana VaIsiraeri kubuda munyika yake.”

12 Mosesi akataura pamberi paJehovha, akati, “Tarirai, vana VaIsiraeri havana kunditeerera; zvino Farao anganditeerera seiko, ini munhu ane miromo isina kudzingiswa?”

13 Ipapo Jehovha akataura naMosesi naAroni, akavatuma neshoko kuvana VaIsiraeri nokuna Farao, mambo weIjipiti, kuti vabudise vana VaIsiraeri munyika yeIjipiti.


Marudzi aMosesi naAroni

14 Ndiyo misoro yedzimba dzamadzibaba avo: Vanakomana vaRubheni, dangwe raIsiraeri, vaiva Hanoki, naParu, naHezironi, naKarimi; ndivo vedzimba dzaRubheni.

15 Vanakomana vaSimioni vaiva Jemueri, naJamini, naOhadhi, naJakini, naZohari, naShauri, mwanakomana womukadzi muKenani; ndivo vedzimba dzaSimioni.

16 Ndiwo mazita avanakomana vaRevhi namarudzi avo: Gerishoni, naKohati, naMerari; makore oupenyu hwaRevhi aiva makore ane zana namakumi matanhatu namanomwe.

17 Vanakomana vaGerishoni vaiva Ribhini, naShimei, namarudzi avo.

18 Vanakomana vaKohati vaiva Amurami, naIzhari, naHebhuroni, naUzieri; makore oupenyu hwaKohati aiva makore ane zana namakumi matatu namatatu.

19 Vanakomana vaMerari vaiva Makiri, naMushi. Ndivo vedzimba dzavaRevhi pamarudzi avo.

20 Amurami akawana Jokebhedhi, hanzvadzi yababa vake, iye akamuberekera Aroni naMosesi; makore oupenyu hwaAmurami aiva makore ane zana namakumi matatu namanomwe.

21 Vanakomana vaIzhari vaiva Kora naNefegi, naZikiri.

22 Vanakomana vaUzieri vaiva Mishaeri, naErizafani, naSitiri.

23 Aroni akawana Erishebha, mukunda waAminadhabhu, hanzvadzi yaNashoni, iye akamuberekera Nadhabhi naAbhihu, naEriazari, naItamari.

24 Vanakomana vaKora vaiva Asiri, naErikana, naAbhiasafi; ndivo vedzimba dzavaKora.

25 Eriazari, mwanakomana waAroni, akawana mumwe wavakunda vaPutieri, iye akamuberekera Finiasi. Ndiyo misoro yedzimba dzamadzibaba avaRevhi nemhuri dzavo.

26 Ndivo vaya vanaAroni naMosesi vakanzi naJehovha, “Budisai vana VaIsiraeri munyika yeIjipiti nehondo dzavo.”

27 Ndivo vakataura naFarao, mambo weIjipiti, kuti vabudise vana VaIsiraeri muIjipiti; ndivo vaya vanaMosesi naAroni.


Mosesi naAroni vanoita zvishamiso zvavo pamberi paFarao

28 Nomusi iwoyo Jehovha akataura naMosesi munyika yeIjipiti,

29 Jehovha akataura naMosesi, akati, “Ndini Jehovha; udza Farao, mambo weIjipiti, zvinhu zvose zvandakakuudza.”

30 Ipapo Mosesi akati pamberi paJehovha, “Tarirai, ndiri munhu ane miromo isina kudzingiswa, zvino Farao achanditeerera seiko?”

Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.

Bible Society of Zimbabwe
Follow us:



Advertisements