Eksodo 38 - Shona BIBLEAtari yokupisira, nomudziyo wokushambidzira, noruvanze 1 Akaita atari yezvibairo zvinopiswa nomuakeshia; kureba kwayo kwaiva makubhiti mashanu, noupamhi hwayo makubhiti mashanu; yakanga iine nhivi ina dzakanga dzakaenzana, nokukwirira kwayo kwaiva makubhiti matatu. 2 Akaitawo nyanga dzayo pamakona ayo mana, nyanga dzayo dzikava chinhu chimwechete nayo; akaifukidza nendarira. 3 Akaita nhumbi dzose dzeatari, hari, nefoshoro, nemidziyo, nezvikokonho zvenyama, nezvaenga zvomoto, nhumbi dzose akadziita nendarira. 4 Akaitirawo atari chakarukwa chendarira, chakarukwa samambure, pasi pechitsiko chakaipoteredza nechenyasi, chakasvikira pakati payo. 5 Akaitira makona mana echakarukwa chendarira zvindori zvina paiva pokutakura napo namatanda. 6 Akaita matanda omuakeshia, akaafukidza nendarira. 7 Akaisa matanda mukati mezvindori zvaiva panhivi dzeatari, kuti itakurwe nawo; akaiita namapuranga, ikasava nechinhu mukati. 8 Akaitawo mudziyo wokushambidzira wendarira, nechigadzikiro chawo chendarira, nezvionioni zvavakadzi vaishandira pamukova wetende rokusangana. 9 Akaitawo ruvanze; kurutivi rwezasi, rwakatarira zasi, kwakanga kune irzvirembedzwa zvemicheka yakaisvonaka yakarukwa, makubhiti ane zana; 10 mbiru dzayo dzakanga dzina makumi maviri, nezvigadziko zvadzo zvina makumi maviri zvendarira, nezvikorekedzo zvembiru nezvindori zvadzo zvaiva zvesirivha. 11 Kurutivi rwokumusoro kwaiva namakubhiti ane zana, nembiru dzayo dzina makumi maviri, nezvigadziko zvadzo zvina makumi maviri zvendarira, nezvikorekedzo zvembiru nezvindori zvadzo zvaiva zvesirivha. 12 Kurutivi rwamavirazuva kwakanga kune zvirembedzwa zvemicheka zvina makubhiti ana makumi mashanu, nembiru dzazvo dzine gumi, nezvigadziko zvadzo zvine gumi; zvikorekedzo zvembiru nezvindori zvadzo zvaiva zvesirivha. 13 Kurutivi rwemberi kunotarira kumabvazuva kwaiva namakubhiti makumi mashanu. 14 Zvirembedzwa zvemicheka kurutivi rumwe rwesuwo zvakanga zvina makubhiti ane gumi namashanu, nembiru dzazvo nhatu, nezvigadziko zvadzo zvitatu. 15 Nokuno rumwe rutiviwo; kurutivi rumwe norumwe rwesuwo roruvanze kwakanga kune zvirembedzwa zvemicheka zvina makubhiti ane gumi namashanu, nembiru dzazvo nhatu, nezvigadziko zvadzo zvitatu. 16 Zvirembedzwa zvose zvemicheka paruvanze zvaipotedza nhivi dzose, zvaiva zvomucheka wakaisvonaka wakarukwa. 17 Nezvigadziko zvembiru zvaiva zvendarira, nezvikorekedzo zvembiru nezvindori zvadzo zvaiva zvesirivha; nemisoro yadzo yakanga yakafukidzwa nesirivha; mbiru dzose dzoruvanze dzakanga dzakabatanidzwa nezvindori zvesirivha. 18 Keteni resuwo roruvanze rakanga rakaitwa nomusoni, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa; kureba kwacho kwaiva namakubhiti ana makumi maviri, nokukwirira paupamhi hwacho makubhiti mashanu, zvakafanana nezvirembedzwa zvemicheka paruvanze. 19 Mbiru dzayo dzaiva ina, nezvigadziko zvadzo zvina zvendarira; zvikorekedzo zvadzo zvaiva zvesirivha, misoro yadzo nezvindori zvadzo zvakanga zvakafukidzwa nesirivha. 20 Mbambo dzose dzetabhenakeri nedzoruvanze, rwakanga ruchiipoteredza kunhivi dzose, dzaiva dzendarira. Pfuma yose yakavakiswa tabhenakeri nayo 21 Ndiko kuwanda kwezvinhu zvetabhenakeri, zvetabhenakeri yechipupuriro, pakuverengwa kwazvo nokuraira kwaMosesi; vaRevhi vakaita basa iro vachirairwa naItamari, mwanakomana waAroni mupristi. 22 Bhezareri, mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha, wakaita zvose zvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha, 23 anaOhoriabhu, mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani, muvezi nomubati wakachenjera, nomusoni wezvakarukwa zvitema, nezvishava, zvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka. 24 Ndarama yose yavaibatisa nayo mabasa ose apaimba tsvene, iyo ndarama yezvipo, aiva matarenda ana makumi maviri namapfumbamwe, namashekeri ana mazana manomwe namakumi matatu, zvichienzaniswa neshekeri rapaimba tsvene. 25 Nesirivha yaivo vakanga vachiverengwa paungano aiva matarenda ane zana, namashekeri ane chiuru chimwe namazana manomwe namakumi manomwe namashanu, zvichienzaniswa neshekeri rapaimba tsvene. 26 Munhu mumwe nomumwe wakaripa bheka rimwe, iri hafu yeshekeri rimwe, zvichienzaniswa neshekeri rapaimba tsvene; mumwe nomumwe wakadarika kuna vakaverengwa, wakanga ana makore makumi maviri, kana wakapfuura makore iwayo, vakanga vari varume vane zviuru zvina mazana matanhatu nezvitatu namazana mashanu namakumi mashanu. 27 Namatarenda esirivha ane zana aiva okuumbisa nawo zvigadziko zvapaimba tsvene nezvigadziko zvechidzitiro; zvigadziko zvine zana zvakaitwa namatarenda ane zana, chigadziko chimwe nechimwe netarenda rimwe. 28 Namashekeri ane chiuru chimwe namazana manomwe namakumi manomwe namashanu wakaita zvikorekedzo zvembiru, akafukidza misoro yadzo, nokuzviitirawo zvindori. 29 Ndarira yezvipo yakanga ina matarenda ana makumi manomwe namashekeri ane zviuru zviviri namazana mana. 30 Nayo wakaita zvigadziko zvomukova wetende rokusangana, neatari yendarira, nechakarukwa chayo chendarira, nenhumbi dzose dzapaatari, 31 nezvigadziko zvose zvoruvanze rwakanga rwakapotedza, nezvigadziko zvesuwo roruvanze, nembambo dzose dzetabhenakeri, nembambo dzose dzoruvanze rwakanga rwakapoteredza. |
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.
Bible Society of Zimbabwe