Eksodo 37 - Shona BIBLEAreka, netafura, nemwenje, neatari yezvinonhuwira 1 Zvino Bhezareri akaita areka yamatanda omuakeshia; kureba kwayo kwaiva makubhiti maviri nehafu, noupamhi hwayo kubhiti rimwe nehafu, nokukwirira kwayo kubhiti rimwe nehafu; 2 akaifukidza nendarama yakaisvonaka nechomukati nechokunze, akaita pamusoro payo hata yendarama yakaipoteredza. 3 Akaiumbira zvindori zvina zvendarama, akazviisa pamakumbo ayo mana; zvindori zviviri zvaiva parutivi rumwe, nezvindori zviviri panorumwe rutivizve. 4 Akaveza matanda omuakeshia, akaafukidza nendarama, 5 akapinza matanda iwayo muzvindori zvaiva panhivi dzeareka, kuti areka itakurwe nawo. 6 Akaitawo chifunhiro chokuyananisa nendarama yakaisvonaka; kureba kwacho kwaiva makubhiti maviri nehafu, noupamhi hwacho kubhiti rimwe nehafu; 7 akaita makerubhi maviri endarama, akaaita nendarama yakapambadzirwa pamiromo miviri yechifunhiro chokuyananisa, 8 kerubhi rimwe pamuromo mumwe, nerimwe kerubhi panomumwe muromo; akaita makerubhi pamiromo yacho miviri, zvikava chinhu chimwechete nechifunhiro chokuyananisa. 9 Makerubhi akanga akatambanudzira mapapiro awo kumusoro, akafukidza chifunhiro chokuyananisa namapapiro awo, zviso zvawo zvakatarisana; zviso zvamakerubhi zvakanga zvakatarira chifunhiro chokuyananisa. 10 Akaitawo tafura yamatanda omuakeshia; kureba kwayo kwaiva makubhiti maviri, noupamhi hwayo kubhiti rimwe, nokukwirira kwayo kubhiti rimwe nehafu. 11 Akaifukidza nendarama yakaisvonaka, akaiitirawo hata yendarama yakanga ichiipoteredza; 12 akaiitirawo ukomba hwakanga huchiipoteredza, upamhi hwahwo sechanza; akaiitirawo hata yendarama yaipoteredza ukomba hwayo. 13 Akaiitira zvindori zvina zvendarama, akaisa zvindori pamakona mana aiva pamakumbo ayo mana. 14 Zvindori zvaiva pedyo noukomba, paiva pokutakura tafura napo namatanda. 15 Akaita matanda omuakeshia, akaafukidza nendarama, kuti tafura itakurwe nawo. 16 Akaitawo midziyo yaigara pamusoro petafura, ndiro dzayo, nembiya dzayo, nemikombe yayo, nezvirongo zvayo zvokudira nazvo, zvose zvendarama yakaisvonaka. 17 Akaitawo chigadzikiro chemwenje chendarama yakaisvonaka; akaita chigadzikiro nendarama yakapambadzirwa, chigadzikiro chacho, nehunde yacho, notumbiya twacho, namapfundo acho, namaruva acho; zvose zvikava chinhu chimwechete nacho; 18 kumativi acho kukabuda matavi matanhatu, matavi matatu echigadzikiro kuno rumwe rutivi rwacho, namatavi matatu echigadzikiro kuno rumwe rutivi rwacho. 19 Tumbiya tutatu twakaumbwa samaruva omuamanda padavi rimwe, nefundo neruva, notumbiya tutatuzve twakaumbwa samaruva omuarimondi pane rimwe davi, nefundo neruva; saizvozvo matavi matanhatu akabuda pachigadzikiro. 20 Uye pachigadzikiro pakanga panotumbiya tuna twakanga twakaumbwa samaruva omuarimondi, namafundo atwo, namaruva atwo; 21 nefundo panyasi pamatavi maviri akanga akaumbwa pamwechete nacho; nefundozve panyasi pamatavi maviri akaumbwa pamwechete nacho, akafanana namatavi matanhatu akabuda pachigadzikiro. 22 Mafundo azvo namatavi azvo akanga akaumbwa pamwechete nazvo, zvose zvikava chinhu chimwe chakanga chakumbwa nendarama yakaisvonaka, yakapambadzirwa. 23 Akaita mwenje yacho minomwe, nembato dzacho, nendiro dzacho, zvose nendarama yakaisvonaka. 24 Akachiumba netarenda rendarama yakaisvonaka, pamwechete nemidziyo yayo yose. 25 Akaitawo atari yezvinonhuwira nomuakeshia; kureba kwayo kwakanga kuri kubhiti rimwe, noupamhi hwayo kubhiti rimwezve; nhivi dzose ina dzakanga dzakaenzana; kukwirira kwayo kwaiva makubhiti maviri, nenyanga dzayo dzakanga dziri chinhu chimwechete nayo. 26 Akaifukidza nendarama yakaisvonaka, kumusoro kwayo, nenhivi dzayo dzose, nenyanga dzayo; akaiitirawo hata yendarama yakanga yakaipoteredza. 27 Akaiitirawo zvindori zviviri zvendarama pasi pehata yayo, pakona dzayo mbiri panhivi dzayo mbiri, pakava pokuitakura napo namatanda. 28 Akaitawo matanda omuakeshia, akaafukidza nendarama. 29 Akaitawo mafuta matsvene okuzodza nawo, nezvinonhuhwira zvakaisvonaka zvemiti inonaka, zvikava zvakavhenganiswa nouchenjeri hwomuvhenganisi wezvinonhuhwira. |
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.
Bible Society of Zimbabwe