Online Bible

- Advertisements -


Eksodo 29 - Shona BIBLE


Kugadzwa kwavapristi

1 “Zvino ndicho chinhu chaunofanira kuvaitira kuti uvaite vatsvene, vandishumire pabasa roupristi: Utore nzombe imwe duku; namakondohwe maviri asina chipomerwa,

2 nechingwa chisina kuviriswa, nezvingwa zviduku zvisina kuviriswa zvakakanyiwa namafuta, nezvingwa zvitete zvisina kuviriswa zvakazodzwa mafuta; unofanira kuzviita noupfu hwakatsetseka hwekoroni.

3 Uzviise mudengu rimwe, ugouya nazvo zviri mudengu, pamwechete nenzombe duku namakondohwe maviri.

4 “Zvino uuye naAroni navanakomana vake kumukova wetende rokusangana, ugovashambidza nemvura;

5 utorewo hanzu, ugofukidza Aroni nguo nejasi reefodhi, neefodhi, nehombodo yechipfuva; uye umusunge chiuno chake nebhandi reefodhi rakarukwa nouchenjeri;

6 uisewo nguwani pamusoro wake, nokuisawo korona tsvene panguwani.

7 Zvino unofanira kutora mafuta echizoro, uadire pamusoro wake, umuzodze.

8 “Zvino uuyisewo vanakomana vake, uvafukidze majasi.

9 Uvasunge zviuno zvavo nebhandi, iye Aroni navanakomana vake, ugovaisa nguwani; vave vapristi nomutemo usingaperi; ugadze Aroni navanakomana vake.

10 “Zvino unofanira kuuyisa nzombe pamberi petende rokusangana, Aroni navanakomana vake vagoisa maoko avo pamusoro wenzombe.

11 Ugobaya nzombe pamberi paJehovha pamukova wetende rokusangana.

12 Zvino utore ropa renzombe, ugoriisa panyanga dzeatari nomunwe wako, nokudururira ropa rose mujinga meatari.

13 Zvino utorewo mafuta ose anofukidza ura, namafuta ari pamusoro pechiropa, netsvo mbiri, namafuta ari padziri, uzvipise pamusoro peatari.

14 Asi nyama yenzombe, nedehwe rayo, namazvizvi ayo, unofanira kuzvipisa nomoto kunze kwemisasa; chipiriso chezvivi.

15 “Unofanira kutorawo gondohwe rimwe, Aroni navanakomana vake vagoisa maoko avo pamusoro wegondohwe;

16 zvino ubaye gondohwe, utore ropa raro, urisase panhivi dzose dzeatari.

17 Ipapo uchekanye gondohwe, nokusuka ura hwaro, namakumbo aro, uise izvozvo pamwechete nenhindi dzaro nomusoro waro.

18 Zvino unofanira kupisa gondohwe rose paatari; chipiriso chinopisirwa Jehovha, chipo chinonhuwira, chipiriso chakaitirwa Jehovha, pamoto.

19 “Zvino utorewo gondohwe rimwe, Aroni navanakomana vake vaise maoko avo pamusoro wegondohwe.

20 Ipapo unofanira kubaya gondohwe, nokutora rimwe ropa raro, ugoriisa pamucheto wezasi wenzeve yorudyi yaAroni, napamicheto yenzeve dzorudyi dzavanakomana vake napazvigunwe zvamaoko orudyi, napazvigunwe zvetsoka dzavo dzorudyi, nokusasawo ropa panhivi dzose dzeatari.

21 Zvino unofanira kutora rimwe ropa, riri paatari, namamwe mafuta okuzodza, uzvisase pamusoro paAroni napanguo dzake, napamusoro pavanakomana vake, napanguo dzavanakomana vake, pamwechete naye, kuti ave mutsvene iye, nenguo dzake, navanakomana vake, nenguo dzavanakomana vake, pamwechete naye.

22 “Zvino utorewo mamwe mafuta egondohwe, nebemhe raro, namafuta anofukidza ura, namafuta ari pamusoro pechiropa, netsvo mbiri, namafuta ari padziri, nebandauko rorudyi, (nokuti igondohwe rokugadza naro),

23 nebundu rimwe rechingwa, nechingwa chimwe chiduku china mafuta, nechingwa chimwe chitete chinobva mudengu rezvingwa zvisina kuviriswa, zviri pamberi paJehovha.

24 Zvino uzviise zvose pamaoko aAroni napamaoko avanakomana vake, vagozvizunguzira, chive chipo chinozunguzirwa pamberi paJehovha.

25 Zvino uzvibvise pamaoko avo, uzvipise paatari pamusoro pechipiriso chinopiswa, kuti chive chipo chinonhuwira pamberi paJehovha; chipiriso chakaitirwa Jehovha pamoto.

26 “Utorewo chityu chegondohwe rokugadzwa naro kwaAroni, urizunguzire pamberi paJehovha, kuti chive chipo chinozunguzirwa; ndiwo mugove wako.

27 Zvino chityu chinozunguzirwa uchitsaure, nebandauko rechipiriso chinosimudzwa, chinozunguzirwa nokusimudzwa, zvegondohwe rokugadza naro, kuti zvive zvaAroni nezvavanakomana vake.

28 Izvozvo zvinofanira kupiwa Aroni navanakomana vake navana VaIsiraeri nokusingaperi nokuti chipiriso chinosimudzwa, chinobva kuvana VaIsiraeri pazvibairo zvezvipiriso zvavo zvokuyananisa, chive chipiriso chavo chinosimudzirwa Jehovha.

29 “Nguo dzaAroni dzichava dzavanakomana vake vanomutevera, kuti vazodzwe vakadzifuka, vagadzwe vakadzifuka.

30 Mwanakomana wake anopinda paupristi panzvimbo yake, unofanira kudzifuka mazuva manomwe, kana achipinda mutende rokusangana kushumira panzvimbo tsvene.

31 “Zvino unofanira kutora gondohwe rokugadza naro, ubike nyama yaro panzvimbo tsvene.

32 Aroni navanakomana vake ngavadye nyama yegondohwe, nechingwa chiri mudengu pamukova wetende rokusangana.

33 Vanofanira kudya izvozvo zvaiyananiswa nazvo, pakugadzwa nokutsaurwa kwavo; asi mweni ngaarege kuzvidya, nokuti zvitsvene.

34 Kana imwe nyama yokugadza nayo ikasara, kana chimwe chingwa, kusvikira mangwana, unofanira kupisa zvasara nomoto; hazvifaniri kudyiwa, nokuti zvitsvene.

35 “Unofanira kuitira Aroni navanakomana vake saizvozvo, zvose sezvandakuraira; uite mazuva manomwe uchivagadza.

36 Zuva rimwe nerimwe unofanira kubayira nzombe yechipiriso chezvivi, chokuyananisa nacho; unofanira kunatsa atari, kana uchiiyananisira; uizodze kuti uitsaure.

37 Unofanira kuita mazuva manomwe pakuyananisira atari, nokuitsaura; kuti atari ive tsvene kwazvo, uye zvose zvinobata paatari zvinofanira kuva zvitsvene.


Zvibairo zvezuva rimwe nerimwe

38 “Zvino ndizvo zvaunofanira kubayira paatari: Zuva rimwe nerimwe nguva dzose makwayana maviri ane gore rimwechete rekuzvarwa.

39 Rimwe gwayana unofanira kuribayira mangwanani, rimwe gwayana unofanira kuribayira madekwana.

40 Pamwechete negwayana rimwe unofanira kuisa chipiriso choupfu hwakatsetseka hwakasvika pachegumi cheefa hwakakanyiwa nechechina chehini yamafuta akavhenganiswa nechechina chehini yewaini, chive chipiriso chinodururwa.

41 Rimwe gwayana uribayire madekwana, uriitire sezvawakaitira chipiriso choupfu chamangwanani, nezvawakaitira chipiriso charo chinonwiwa, kuti chive chipiriso chinonhuwira, chipiriso chakaitirwa Jehovha pamoto.

42 Chinofanira kuva chipiriso chinopiswa nguva dzose pamarudzi enyu ose, pamukova wetende rokusangana pamberi paJehovha, pandichasangana nemi, nditaurepo newe.

43 Ndipo pandichasangana navana VaIsiraeri, uye tende richatsaurwa nokubwinya kwangu.

44 Tende rokusangana neatari ndichazvitsaura; uye Aroni navanakomana vake ndichavatsaura, kuti vandishumire pabasa roupristi.

45 Ndichagara pakati pavana VaIsiraeri, kuti ndive Mwari wavo.

46 Vachaziva kuti ndini Jehovha wavo, wakavabudisa panyika yeIjipiti, kuti ndigare pakati pavo; ndini Jehovha Mwari wavo.

Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.

Bible Society of Zimbabwe
Follow us:



Advertisements