Eksodo 28 - Shona BIBLENguo dzoMupristi Mukuru 1 “Zvino uswededze kwauri Aroni, mukuru wako, navanakomana vake pamwechete naye, vabude pakati pavana VaIsiraeri, kuti andishumire pabasa roupristi, vanoti; Aroni, naNadhabhi, naAbhihu, naEreazari, naItamari, ivo vanakomana vaAroni. 2 Uitire Aroni, mukuru wako, nguo tsvene, akudzwe nadzo, uye huve ukomba. 3 Utaure navose vane mwoyo yakachenjera, vandakazadza nomweya wouchenjeri, kuti vaitire Aroni nguo dzokumuita mutsvene nadzo, kuti andishumire pabasa roupristi. 4 Nguo dzaunofanira kuita ndidzo: Hombodo yechipfuva, neefodhi, nejasi, nenguo yakarukwa, nenguwani, nebhandi; ngavaitire Aroni, mukoma wako, navanakomana vake nguo tsvene, kuti andishumire pabasa roupristi. 5 Ngavatore ndarama, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka. 6 “Efodhi ngavaiite nendarama, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, rive basa romubati wakachenjera. 7 Ngaive namabande maviri pamafudzi akabatanidzwa pamiromo yayo miviri; kuti ibatanidzwe saizvozvo. 8 Nebhandi rakarukwa nomubati wakachenjera, riri pamusoro payo, rokuisunga naro, ngariitwe saiyo, uye chive chinhu chimwechete nayo, iitwe nendarama, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa. 9 Utorewo mabwe maviri eonikisi, ugonyora pamusoro pawo mazita avana VaIsiraeri, 10 mazita matanhatu pabwe rimwe, namazita matanhatu akasara pane rimwe ibwezve, sapakuzvarwa kwavo. 11 Unyore pamabwe iwayo maviri, sebasa romuvezi wamabwe, sezvinonyorwa ibwe rokusimbisa, mazita avana VaIsiraeri; uanyudze muzviruva zvendarama. 12 Zvino uise mabwe iwayo maviri pamabande apamafudzi eefodhi, kuti ave mabwe okurangaridza vana VaIsiraeri; Aroni ngaatakure mazita awo pamberi paJehovha pamafudzi ake maviri, chive chokurangaridza. 13 “Unofanira kuitawo zviruva zvendarama, 14 nezviketani zviviri zvendarama yakaisvonaka; uzviite setambo rwakakoswa, ugoisa zviketani zvacho zvakamoniwa pazviruva izvozvo. 15 “Unofanira kuitawo hombodo yechipfuva yokutonga, rive basa romubati wakachenjera; uiite ifanane neefodhi, uiite nendarama, nezvakarukwa, zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa. 16 Ngaive nenhivi ina dzakaenzana, dzakaita mheto mbiri; kureba kwayo kuite sapanosvika minwe, noupamhi hwayo sapanosvika minwewo. 17 Uise mukati mayo zviruva zvina mabwe, misara mina yamabwe; mumwe musara uve nesadhio, netopasi, nekabhunakeri. Ndiwo musara wokutanga. 18 Pamusara wechipiri samaragidhino, nesafiri, nedhaimani; 19 pamusara wechitatu hiakindi, neagati, neametisi; 20 pamusara wechina beriri neonikisi, nejasipiri; ngaapotedzwe nendarama muzviruva zvawo. 21 Mabwe iwayo ngaave namazita avana VaIsiraeri ane gumi namaviri, sezvinoita mazita avo; ngaave namarudzi ane gumi namaviri, rimwe nerimwe rive nezita raro, sezvinonyorwa ibwe rokusimbisa. 22 Napahombodo yechipfuva unofanira kuita zviketani zvakafanana notambo, zvendarama yakamoniwa yakaisvonaka. 23 Uitewo pahombodo yechipfuva zvindori zviviri zvendarama, ugoisa zvindori izvo zviviri pamicheto miviri yehombodo yechipfuva. 24 Zvino uise zviketani zviviri zvendarama yakamoniwa pazvindori zviviri zviri pamicheto yehombodo yechipfuva. 25 Nemimwe miromo miviri yezviketani zviviri zvakamoniwa uzviise pazviruva zviviri, uzviise pamabande apamafudzi eefodhi nechemberi kwayo. 26 Uitewo zvindori zviviri zvendarama, ugozviisa pamicheto miviri yehombodo yechipfuva pamupendero wayo uri kurutivi rweefodhi nechomukati. 27 Unofanira kuitawo zvindori zviviri zvendarama, ugozviisa pamabande maviri apamafudzi eefodhi zasi nechemberi kwayo, pedyo payakabatanidzwa napo, pamusoro pebhandi reefodhi rakarukwa nouchenjeri. 28 Zvino ngavasunganidze hombodo yechipfuva nezvindori zvayo pazvindori zveefodhi netambo nhema, kuti ruve pamusoro pebhandi reefodhi rakarukwa nouchenjeri, kuti hombodo yechipfuva irege kusununguka paefodhi. 29 “Naizvozvo Aroni anofanira kutakura mazita avana VaIsiraeri pahombodo yechipfuva yokutonga pamwoyo wake, kana achipinda panzvimbo tsvene, kuti chive chirangaridzo pamberi paJehovha nguva dzose. 30 Unofanira kuisawo muhombodo yechipfuva yokutonga Urimi neTumimi, kuti zvive pamwoyo waAroni kana achipinda pamberi paJehovha; Aroni agotakura kutongwa kwavana VaIsiraeri pamwoyo wake pamberi paJehovha nguva dzose. 31 “Unofanira kuita jasi reefodhi rose romucheka mutema. 32 Ngarive neburi rokupinza musoro pakati paro, rive nomupendero wakarukwa unopoteredza buri raro, sapaburi renguo yokurwa, kuti irege kubvaruka. 33 Pamipendero yaro unofanira kuita matamba ezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, anopoteredza mupendero, nezvitare zvinorira zvendarama pakati pawo kunhivi dzose. 34 Ngapave nechitare chimwe nedamba rimwe, chitare chimwe nedamba rimwe pamipendero yejasi kunhivi dzose. 35 Aroni ngaarifuke kana achishumira, kuti kurira kwazvo kunzwike, kana achipinda panzvimbo tsvene pamberi paJehovha, uye kana achibuda, kuti arege kufa. 36 “Unofanira kuitawo hwendefa rendarama yakaisvonaka, ugonyora pamusoro paro sezvinonyorwa ibwe rokusimbisa, uchiti: MUTSVENE KUNA JEHOVHA. 37 Uriise patambo nhema, igoiswa panguwani, ive nechemberi kwenguwani. 38 Ngarive pahuma yaAroni, Aroni atakure zvakaipa zvingavapo pazvinhu zvitsvene, zvichaitwa zvitsvene navana VaIsiraeri pazvipo zvavo zvitsvene zvose; rinofanira kugara pahuma yake nguva dzose, kuti ivo vagamuchirwe pamberi paJehovha. 39 “Unofanira kuitawo nguo yakarukwa yomucheka wakaisvonaka, uye uite nguwani yomucheka wakaisvonaka, uye uitewo bhandi, rive basa romusoni anogona. 40 “Navanakomana vaAroni unofanira kuvaitira nguo, uvaitirewo mabhandi, uvaitirewo nguwani dzomusoro, vakudzwe nadzo, uye huve ukomba. 41 Udzifukidze Aroni, mukoma wako, pamwechete navanakomana vake; uye uvazodze, nokuvagadza, nokuvatsaura, kuti vandishumire pabasa roupristi. 42 Unofanira kuvaitira mabhuruku omucheka kuti vafukidze nyama yavo yakashama; ngaatange pazviuno, asvikire pachidya; 43 ngaafukwe naAroni navanakomana vake kana vachipinda mutende rokusangana, uye kana vachiswedera paatari kushumira panzvimbo tsvene; kuti varege kuzvitorera mhosva, vakafa; ngauve mutemo usingaperi kwaari nokuvana vake vanomutevera. |
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.
Bible Society of Zimbabwe