Eksodo 27 - Shona BIBLEAtari yokupisira 1 “Unofanira kuita atari nomuakeshia; kureba kwayo makubhiti mashanu, noupamhi hwayo makubhiti mashanu; atari ngaive nenhivi ina dzakaenzana; kukwirira kwayo ngakuve makubhiti matatu. 2 Uitewo nyanga dzayo pamakona ayo mana; nyanga dzayo dzive chinhu chimwe nayo; uifukidze nendarira. 3 Uiitire hari dzokubvisa madota ayo, nefoshoro dzayo, nemidziyo yayo, nezvikokonho zvenyama, nezvaenga zvomoto; midziyo yayo yose unofanira kuiita nendarira. 4 Unofanira kuiitirawo chakarukwa chendarira chakarukwa samambure; pamambure uite zvindori zvina zvendarira pamakona awo mana. 5 Uzviise pasi pechitsiko cheatari chakaipotedza nechenyasi, kuti mambure asvikire pakati peatari. 6 Uitire atari matanda omuakeshia, ugoafukidza nendarira. 7 Matanda iwayo aiswe muzvindori, matanda agova panhivi mbiri dzeatari kana voitakura. 8 Uiite namapuranga, isava nechinhu mukati, sezvawakaratidzwa mugomo, uiite saizvozvo. Ruvazhe rwetabhenakeri 9 “Unofanira kuitawo ruvazhe rwetabhenakeri; kurutivi rwezasi, rwakatarira zasi, ngakuve nemicheka yakarembedzwa yakaisvonaka, yakarukwa; kureba kwayo mukubhiti ane zana kurutivi rumwe; 10 ngapave nembiru dzina makumi maviri, nezvigadziko zvadzo zvina makumi maviri, zvendarira, nezvikorekedzo zvembiru nezvindori zvadzo zvive zvesirivha. 11 Saizvozvowo kurutivi rwokumusoro rwakareba ngapavewo nemicheka yakarembedzwa, kureba kwayo makubhiti ane zana; nembiru dzayo dzina makumi maviri, nezvigadziko zvadzo zvina makumi maviri, zvendarira; zvikorekedzo zvembiru nezvindori zvadzo ngazvive zvesirivha. 12 Paupamhi hworuvazhe kurutivi rwamavirazuva panofanira kuva nemicheka yakarembedzwa ina makubhiti makumi mashanu, nembiru dzine gumi nezvigadziko zvadzo zvine gumi. 13 Napaupamhi hworuvazhe kurutivi rwamabvazuva, kunotarira kurutivi rwamabvazuva, kunotarira kumabvazuva, ngakuve namakubhiti ana makumi mashanu. 14 Micheka yakarembedzwa kurutivi rumwe rwesuwo inofanira kuva namakubhiti ane gumi namashanu, nembiru dzayo nhatu nezvigadziko zvadzo zvitatu. 15 Nokuno rumwe rutivi ngapave nemicheka yakarembedzwa ina makubhiti ane gumi namashanu, nembiru dzayo nhatu, nezvigadziko zvadzo zvitatu. 16 Napasuwo roruvanze ngapave neketeni rina makubhiti ana makumi maviri chezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, rive basa romusoni anogona, nembiru dzacho ina nezvigadziko zvadzo zvina. 17 Mbiru dzose dzoruvazhe dzakapoteredza ngadzive nezvindori zvesirivha, nezvikorekedzo zvadzo zvesirivha, nezvigadziko zvadzo zvendarira. 18 Kureba kworuvazhe kunofanira kuva makubhiti ane zana, noupamhi makubhiti makumi mashanu kwose, nokukwirira makubhiti mashanu; zviitwe nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, nezvigadziko zvadzo zvendarira. 19 Nhumbi dzose dzetabhenakeri dzamabasa ayo ose, nembambo dzayo dzose, nembambo dzose dzoruvazhe ngadzive dzendarira. 20 “Unofanira kuraira vana VaIsiraeri kuti vauye kwauri namafuta omuorivhi akaisvonaka akavhenganiswa omwenje, kuti avhenekese mwenje nguva dzose. 21 Mutende rokusangana, kunze kweketeni riri pamberi pechipupuriro, Aroni navanakomana vake ngavaugadziremo pamberi paJehovha, kubva pamadekwana kusvikira mangwanani; ngauve mutemo nokusingaperi kusvikira kumarudzi ose avana VaIsiraeri. |
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.
Bible Society of Zimbabwe