Online Bible

- Advertisements -


Eksodo 17 - Shona BIBLE


Vanopiwa mvura padombo paRefidhimu

1 Zvino ungano yose yavana VaIsiraeri yakabva murenje reSini, vakafamba vachibva kune imwe nzvimbo vachienda kune imwe, sezvavakanga varairwa naJehovha, vakavaka misasa yavo paRefidhimu; zvino ipapo pakanga pasina mvura inganwiwa navanhu.

2 Vanhu vakakavadzana naMosesi, vakati, “Tipe mvura tinwe.” Mosesi akati kwavari, “Munokakavadziraneiko neni? Munoedzereiko Jehovha?”

3 Vanhu zvino vakanga vane nyota yemvura ipapo, vanhu vakapopotera Mosesi, vakati, “Wakatibudisireiko Ijipiti, kuti utiuraye nenyota, isu navana vedu, nezvipfuwo zvedu?”

4 Mosesi akachema kuna Jehovha, akati, “Ndichaiteiko navanhu ava? Voda kunditaka namabwe.”

5 Jehovha akati kuna Mosesi, “Tungamira pamberi pavanhu, uende navakuru VaIsiraeri, utore tsvimbo yako yawakamborova rwizi nayo muruoko rwako uende.

6 Tarira ndichamira pamberi pako padombo riri paHorebhu, urove dombo iro, mvura ichabuda pariri, vanhu vagonwa.” Mosesi akaita saizvozvo pamberi pavakuru VaIsiraeri.

7 Akatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Masa neMeribha nokuda kwokurwa kwavana VaIsiraeri; uye nokuti vakaedza Jehovha, vachiti, “Jehovha ari pakati pedu here, kana kwete?”


VaIsiraeri vanokunda Amareki

8 Zvino Amareki akauya kuzorwa naVaIsiraeri paRefidhimu.

9 Mosesi akati kuna Joshua, “Utitsaurire varume, ugondorwa naAmareki; mangwana ini ndichamira pamusoro pechikomo, ndakabata tsvimbo yaMwari muruoko rwangu.”

10 Joshua akaita sezvaakanga audzwa naMosesi, akandorwa naAmareki; Mosesi naAroni naHuri vakakwira pamusoro pechikomo.

11 Zvino zvakati kana Mosesi osimudza ruoko rwake, VaIsiraeri vokunda, kana oregera ruoko rwake pasi, Amareki okunda.

12 Asi maoko aMosesi akazoneta, zvino vakatora ibwe, vakariisa pasi pake, akagara pamusoro paro, Aroni naHuri vakatsigira maoko ake, mumwe kuno rumwe rutivi, mumwe kuno rumwe rutivi; maoko ake akava nesimba kusvikira pakuvira kwezuva.

13 Joshua akakunda Amareki navanhu vake neminondo inopinza.

14 Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Nyora izvi mubhuku, vazvirangarire, uzvirondedzerewo munzeve dzaJoshua, kuti ini ndichabvisa chose pasi pokudenga zvose zvinorangaridza Amareki.”

15 Ipapo Mosesi akavaka atari, akaitumidza zita rinonzi Jehovha–nisi;

16 akati, “Noruoko pachigaro choushe chaJehovha, ndinopika ndichiti, ‘Jehovha acharwa naAmareki kusvikira kumarudzi namarudzi.’ ”

Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.

Bible Society of Zimbabwe
Follow us:



Advertisements