Online Bible

- Advertisements -


Eksodo 14 - Shona BIBLE

1 Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati,

2 “Udza vana VaIsiraeri, kuti vadzoke, vavake misasa yavo pamberi paPihahiroti, pakati peMigodhori negungwa, pamberi peBhaarizefoni; muvake misasa yenyu pagungwa pakatarisana napo.

3 Zvino Farao achati pamusoro pavana VaIsiraeri, ‘Varasa nzira panyika, renje ravadzivirira.’

4 Ndichaomesa mwoyo waFarao kuti avateverere; ini ndichakudzwa pamusoro paFarao napahondo yake yose; VaIjipiti vachaziva kuti ndini Jehovha.” Vakaita saizvozvo.

5 Zvino mambo weIjipiti akaudzwa kuti vanhu vatiza; mwoyo waFarao nowavaranda vake ukashandukira vanhu, vakati, “Taita seiko zvatatendera VaIsiraeri vakanga vachitibatira kuti vaende?”

6 Zvino akagadzira ngoro yake, akaenda navanhu vake;

7 akatora ngoro dzakatsaurwa dzina mazana matanhatu, nengoro dzose dzeIjipiti, dzina vatariri vadzo dzose.

8 Jehovha akaomesa mwoyo waFarao, mambo weIjipiti, akateverera vana VaIsiraeri, nokuti vana VaIsiraeri vakanga vabuda noruoko rune simba.

9 VaIjipiti vakavateverera namabhiza ose nengoro dzaFarao, navatasvi vake vamabhiza, nehondo yake, vakavabata vachiri pamisasa pagungwa, paPihahiroti pamberi peBhaarizefoni.

10 Zvino Farao akati asvika pedyo, vana VaIsiraeri vakasimudza meso avo, vakaona VaIjipiti vachivateverera, vakatya kwazvo; vana VaIsiraeri vakachema kuna Jehovha.

11 Vakati kuna Mosesi, “Makanga muchiti hamuna mahwiro paIjipiti, mukatibvisako kuti tifire murenje here? Makatiitireiko zvamatibudisa muIjipiti?

12 Ko harizi shoko iro ratakakuudzai muIjipiti here, tichiti, ‘Tiregei, tibatire hedu VaIjipiti? Nokuti zviri nani kuti tibatire VaIjipiti, pakuti tifire murenje.’ ”

13 Zvino Mosesi akati kuvanhu, “Musatya henyu, mirai, mugoona sununguro yaJehovha, yaachakuitirai nhasi, nokuti VaIjipiti vamaona nhasi, hamungazovaonizve nokusingaperi.

14 Jehovha achakurwirai, imi munofanira kunyarara henyu.”

15 Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Unodanidzireiko kwandiri? Udza vana VaIsiraeri kuti vapfuurire mberi.

16 Iwe simudza tsvimbo yako, utambanudzire ruoko rwako pamusoro pegungwa, uritsemure napakati, kuti vana VaIsiraeri vafambe pakaoma mukati megungwa.

17 Tarira, ndichaomesa mwoyo yaVaIjipiti, kuti vapindewo vachivateverera, ini ndizokudzwa pamusoro paFarao napamusoro pehondo yake yose, napamusoro pengoro dzake, napamusoro pavatasvi vake vamabhiza.

18 Ipapo VaIjipiti vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndakudzwa pamusoro paFarao, napamusoro pengoro dzake, napamusoro pavatasvi vake vamabhiza.”

19 Zvino mutumwa waMwari, akanga akatungamirira hondo yaVaIsiraeri, akabvapo, akaenda shure kwavo; shongwe yegore ikabva mberi kwavo, ikandomira shure kwavo.

20 Ikapinda pakati pemisasa yaVaIjipiti nemisasa yaVaIsiraeri; gore nerima, zvikavapo asi rakavhenekera usiku; havana kuswederana usiku hwose.

21 Zvino Mosesi akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, Jehovha akadzinga gungwa nemhepo ine simba, yakabva mabvazuva usiku hwose, akashandura gungwa, rikaita ivhu rakaoma, mvura ikatsemuka.

22 Zvino vana VaIsiraeri vakapinda nomukati megungwa pakaoma, mvura ikavaitira madziro kurudyi rwavo nokuruboshwe rwavo.

23 VaIjipiti vakavateverera, vakapinda shure kwavo mukati megungwa namabhiza aFarao ose, nengoro dzake navatasvi vake vamabhiza.

24 Mangwanani Jehovha akatarira hondo yaVaIjipiti, ari mushongwe yomoto neyegore, akavhundusa hondo yaVaIjipiti.

25 Akanyudza makumbo engoro dzavo, dzikatambudzika pakufamba; VaIjipiti vakazoti, “Ngatitize pamberi paVaIsiraeri, nokuti Jehovha anovarwira ivo, asi anorwa naVaIjipiti.”

26 Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Tambanudzira ruoko rwako pamusoro pegungwa, kuti mvura idzokere pamusoro paVaIjipiti, napamusoro pengoro dzavo, napamusoro pavatasvi vavo vamabhiza.”

27 Mosesi akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, gungwa rikadzokera kwakare kwoedza; VaIjipiti vakatizira mukati maro; Jehovha akaparadza VaIjipiti mukati megungwa;

28 mvura ikadzoka, ikafukidza ngoro, navatasvi vamabhiza, nehondo yose yaFarao yakanga yapinda mugungwa ichavateverera; hakuna kusara kunyangwe nomumwe wavo.

29 Asi vana VaIsiraeri vakafamba pakaoma mukati megungwa; mvura ikavaitira madziro kurudyi rwavo nokuruboshwe rwavo.

30 Jehovha akarwira VaIsiraeri saizvozvo nomusi iwoyo pamaoko aVaIjipiti; VaIsiraeri vakaona VaIjipiti vakanga vafa pamhenderekedzo dzegungwa.

31 Ipapo vana VaIsiraeri vakaona basa guru rakanga raitirwa VaIjipiti naJehovha, vanhu vakatya Jehovha, vakatenda Jehovha naMosesi muranda wake.

Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.

Bible Society of Zimbabwe
Follow us:



Advertisements