Online Bible

- Advertisements -


Eksodo 13 - Shona BIBLE


Murairo wamatangwe

1 Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati,

2 “Nditsaurirei madangwe ose; zvose zvinotanga kuzarura chizvaro pakati pavana VaIsiraeri, kana kuvanhu kana kuzvipfuwo, ndezvangu.”

3 Zvino Mosesi akati kuvanhu, “Rangarirai zuva iri ramakabudiswa naro muIjipiti, paimba youranda, nokuti Jehovha akakubudisai pano noruoko rune simba; chingwa chakaviriswa ngachirege kudyiwa nemi.

4 Nhasi munobuda nomwedzi waAbhibhi.

5 Zvino kana Jehovha akusvitsa kunyika yaVaKenani, neyaVaHeti, neyaVaAmori, neyaVaHivhi, neyaVaJebhusi, yaakambopikira madzibaba ako, kuti achakupa iyo, nyika inoyerera mukaka nouchi, unofanira kundoita basa iri nomwedzi uno.

6 Unofanira kudya chingwa chisina kuviriswa mazuva manomwe; pazuva rechinomwe Jehovha ngaaitirwe mutambo.

7 Chingwa chisina kuviriswa ngachidyiwe mazuva manomwe; chingwa chakaviriswa ngachirege kuonekwa kwauri, kunyangwe mbiriso ngairege kuonekwa kwauri panyika yako yose.

8 Udza mwanakomana wako nomusi iwoyo, uti, ‘Ndizvo zvinoratidza zvandakaitirwa naJehovha musi wandakabuda Ijipiti.’

9 Chinofanira kuva chiratidzo kwauri paruoko rwako, nechirangaridzo pakati pameso ako, kuti murairo waJehovha uve mumuromo mako; nokuti Jehovha akakubudisa paIjipiti noruoko rune simba.

10 Naizvozvo unofanira kuchengeta murairo uyu nenguva yawo gore rimwe nerimwe.

11 “Zvino kana Jehovha akusvitsa kunyika yavaKenani, sezvaakakupikira iwe namadzibaba ako, akakupa iyoyo,

12 unofanira kusanangurira Jehovha zvose zvinotanga kuzarura chizvaro, nezvokutanga zvose pazvipfuwo zvaunazvo, zvirume ndezvaJehovha.

13 Mwana wokutanga wembongoro unofanira kuudzikinura negwayana, kana usingadi kuudzikinura, unofanira kuvhuna mutsipa wawo; madangwe ose avanhu pakati pavanakomana vako unofanira kuadzikinura.

14 Zvino kana mwanakomana wako achizokubvunza panguva inouya, akati, ‘Chiiko ichi?’ Uti kwaari, ‘Jehovha akatibudisa noruoko rune simba muIjipiti paimba youranda;

15 nokuti panguva iyoyo Farao yaakaramba kutitendera kuenda, Jehovha akauraya matangwe ose enyika yeIjipiti, matangwe ose avanhu navana vematangwe dzezvipfuwo;’ naizvozvo ndinobayira Jehovha zvose zvinotanga kuzarura chizvaro, kana zviri zvirume; asi matangwe ose avanakomana vangu ndinoadzikinura.

16 Ichi chichava chiratidzo paruoko rwako, norundanyara pameso pako; nokuti Jehovha akatibudisa muIjipiti noruoko rune simba.”


VaIsiraeri vanobuda Ijipiti

17 Zvino Farao akati aregedza vanhu kuti vaende, Mwari haana kuvafambisa nenzira yapanyika yavaFirisitia, kunyangwe yaiva pedyo, nokuti Mwari akati, “Zvimwe vanhu vangazvidemba, kana vachiona kurwa, vakadzokera Ijipiti;”

18 asi Mwari akapotesa vanhu nokure, nenzira yokurenje rapaGungwa Dzvuku; vana VaIsiraeri vakabuda panyika yeIjipiti vakashonga nhumbi dzokurwa.

19 Mosesi akatora mapfupa aJosefa, akaenda nawo; nokuti akanga apikisa vana VaIsiraeri, achiti, “Zvirokwazvo Mwari achakushanyirai, muchabva pano, mugoendawo namapfupa angu.”

20 Zvino vakatanga rwendo rwavo vakabva Sukoti, vakandovaka misasa yavo paEtamu, pamucheto werenje.

21 Jehovha akavatungamirira masikati neshongwe yegore rokuvaperekedza panzira, usiku neshongwe yomoto yokuvavhenekera, kuti vafambe masikati nousiku.

22 Shongwe yegore yakanga isingabvi pamberi pavanhu masikati, kana shongwe yomoto usiku.

Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.

Bible Society of Zimbabwe
Follow us:



Advertisements