Online Bible

- Advertisements -


Eksodo 11 - Shona BIBLE


Dambudziko regumi: Rufu rwamatangwe

1 Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Ndichauyisa dambudziko rimwezve pamusoro paFarao napamusoro peIjipiti, ipapo achakutenderai kubva pano; musi waachakutenderai kuenda, zvirokwazvo achakudzingai chose pano.

2 Zvino udza vanhu vanzwe, kuti murume mumwe nomumwe akumbire kune wekwake, nomukadzi mumwe nomumwe akumbire kune wekwake, vapiwe zvishongo zvesirivha nezvishongo zvendarama.”

3 Zvino Jehovha akapa vanhu nyasha pamberi paVaIjipiti. Naiye munhu uyu Mosesi, akanga ari mukuru kwazvo munyika yeIjipiti, pamberi pavaranda vaFarao, napamberi pavanhu.

4 Zvino Mosesi akati, “Zvanzi naJehovha, ‘Kana pava pakati pousiku, ndichabuda ndikafamba napakati peIjipiti;

5 matangwe ose munyika yeIjipiti achafa, kutanga padangwe raFarao anogara pachigaro choushe, kusvikira padangwe romurandakadzi ari paguyo, navana vose vematangwe ezvipfuwo.

6 Panyika yose yeIjipiti pachava nokuchema kukuru, kwakadaro hakuna kumbovapo, uye hakungavipozve.’

7 Asi pakati pavana VaIsiraeri vose, pakati pavanhu kana zvipfuwo, hapangavi nembwa ichasimudza rurimi rwayo; kuti muzive kuti Jehovha akatsaura pakati paVaIjipiti naVaIsiraeri.

8 Navaranda venyu vose ava vachaburukira kwandiri, vachandipfugamira, vachiti, ‘Ibvai henyu, navanhu vose vanokuteverai; shure kwaizvozvo ndichabuda.’ ” Akabuda pamberi paFarao, akatsamwa kwazvo.

9 Jehovha akati kuna Mosesi, “Farao haangakuteerereyi kuti zvishamiso zvangu zviwanzwe panyika yeIjipiti.”

10 Mosesi naAroni vakaita zvishamiso zviya zvose pamberi paFarao, asi Jehovha akaomesa mwoyo waFarao, akasatendera vana VaIsiraeri kubva munyika yake.

Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.

Bible Society of Zimbabwe
Follow us:



Advertisements