Online Bible

- Advertisements -


Mapisarema 101 - Shona Bible 1949 revised 2002


Dhavhidhi anoda kufamba nenzira yakarurama nomwoyo wake wose
Pisarema raDhavhidhi.

1 Ndichaimba ndichireva ngoni nokururama; Ndimi Jehovha wandichaimbira nziyo dzokurumbidza.

2 Ndichaita zvose nokugwara panzira yakarurama; Haiwa, muchauya kwandiri riniko? Ndichafamba mumba mangu nomwoyo wakarurama.

3 Handingavavariri chinhu chakaipa; Ndinovenga zvinoitwa navanotsauka; Hazvingandinamatiri.

4 Mwoyo wakatsauka ngaubve kwandiri; Handidi kuziva zvakaipa.

5 Anoitira vokwake makuhwa, ndichamuparadza; Anotarira namanyawi, nounomwoyo unozvikudza, handingavi nehanya naye.

6 Meso angu achatarira vakatendeka panyika, kuti vagare neni; Munhu anofamba nenzira yakarurama, ndiye angava mushumiri wangu.

7 Anonyengera haangagari mumba mangu; Anoreva nhema haangarambiri pamberi pangu.

8 Mangwanani ose ndichaparadza vakaipa vose venyika; Kuti ndipedze vose vanoita zvakaipa paguta raJehovha.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Follow us:



Advertisements