Online Bible

- Advertisements -


Numeri 27 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Vanasikana vaZerofehadhi

1 Vanasikana vaZerofehadhi vakauya kuna Mosesi. Zerofehadhi uyu aiva mwanakomana waHeferi, mwanakomana waGiriadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, saka aiva womudzimhuri dzokwaManase mwanakomana waJosefi. Vanasikana ivavo vainzi Mahara naNowa naHogira naMirika naTiriza.

2 Vakaenda kuna Mosesi naEreazari mupristi navatungamiriri negungano rose kumusuo wetendhe rokusangana vakati,

3 “Baba vedu isu vakafira kurenje. Asi vakanga vasiri muboka raKora riya rakaungana kuzopikisa Tenzi. Vakafawo nezvitadzo zvavo. Asi vakanga vasina mwana mukomana.

4 Ko zvino zita rababa vedu rorovawo here mumhuri yavo, pamusana pokuti vakanga vasina mwana mukomana? Tipei nhaka pamwechete nehama dzababa vedu.”

5 Mosesi akandoisa chichemo chavo kuna Tenzi.

6 Tenzi akataurira Mosesi achiti,

7 “Zvataurwa navanasikana vaZerofehadhi ndizvo chaizvo. Vape mugove wenhaka pamwechete nehama dzababa vavo. Ita kuti vapiwe nhaka yababa wavo.

8 Taurira vaIsiraeri kuti kana murume akafa asina kusiya mwana mukomana, nhaka yake ngaipiwe vanasikana vake.

9 Kana asina kusiya mwanasikana nhaka yake ngaipiwe vakoma kana vanun'una vake.

10 Kana asina vakoma kana vanun'una, nhaka yake ngaipiwe vakoma kana vanun'una vababa vake.

11 Kana baba wake asina mukoma kana munun'una nhaka yake ngaipiwe hama yake yepedyo, kuti ive yake. Iwoyu uve murao unochengetwa navaIsiraeri sokurayira kwandaita ini Tenzi iwe Mosesi.”


Joshuwa anosarudzwa kutsiva Mosesi

12 Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Kwira mugomo iri reAbharimu uone nyika yandakapa vaIsiraeri.

13 Kana waiona uchaendawo kune hama dzako vachakabvu, sezvakaita mukoma wako Aroni.

14 Ndinodaro nokuti hamuna kuteerera zvandakakuudzai kurenje reZini. Gungano rose ravaIsiraeri parakandinyunyutira paMeribha, hamuna kuratidza vanhu kururama nokuera kwangu.” Ndiyo mvura iya yepaMeribha paKadheshi murenje reZini.

15 Mosesi akanamata kuna Tenzi achiti,

16 “Imi Tenzi, Mwari muridzi woupenyu hwose, ndapota, sarudzai munhu anozotungamirira vanhu venyu ava.

17 Ndiye achavatungamirira pane zvose zvavanoita vari mukati nokunze ndiye achavatungamirira pavanoenda kuhondo napavanodzoka kuti vanhu venyu varege kuzoita sehwai dzisina mufudzi.”

18 Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Tora Joshuwa mwanakomana waNuni murume ane mweya wangu maari, uise maoko ako pamusoro pake.

19 Mumise pamberi paEreazari mupristi negungano rose, umuturire basa iri vachizviona.

20 Mupe rimwe simba rako kuti gungano rose ravaIsiraeri rimuteerere.

21 Achapota achiuya kuzobatsirwa nomupristi Ereazari. Ereazari ndiye achashandisa Urimu neTumimu kubvunza Tenzi kana Joshuwa achida kuziva zvaangaite. Joshuwa navaIsiraeri vose vanotoenda kuhondo kana ati vaende, vanotozodzoka kana ati vadzoke.”

22 Mosesi akaita zvaakaudzwa naTenzi. Akatora Joshuwa ndokumumisa pamberi pomupristi Ereazari negungano rose

23 ndokuisa maoko ake pamusoro pake, ndokumuturira basa sokurongerwa kwakanga kwaitwa Mosesi naTenzi.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Follow us:



Advertisements