Numeri 25 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaVaIsiraeri vari pagomo rePeori 1 VaIsiraeri pavakanga vagere mubani remibayamhondoro reShitimu, varume vakatanga kuita unzenza navakadzi vorudzi rwavaMoabhu. 2 Vakadzi ivavo vakavakoka kuzvibairo zvavamwari vavo. Vanhu vakadya vakapfugamira vamwari vavo ivavo. 3 Naizvozvo vaIsiraeri vakazvipinza muuranda hwokunamata Bhaari mwari wokuPeori. Tenzi akashatiriswa navaIsiraeri, 4 akabva ataurira Mosesi kuti, “Tora vatungamiriri vose vavaIsiraeri uuye navo pana Tenzi, uvasungirire vafe pamberi paTenzi masikati machena kuti hasha dzaTenzi dzinotyisa dzichirega kuvirukira vaIsiraeri.” 5 Mosesi akataurira vatongi vavaIsiraeri achiti, “Mumwe nomumwe wenyu ngaauraye ani naani akazvipinza muuranda hwokunamata Bhaari, mwari wokuPeori.” 6 Ipapo mumwe murume muIsiraeri akauya nomukadzi worudzi rwavaMidhiani akapinda naye mutendhe rake, achionekwa naMosesi negungano rose ravaIsiraeri rakanga richichema riri kumusuo wetendhe rokusanganira. 7 Finiyasi mwanakomana waEreazari, muzukuru womupristi Aroni, paakazviona, akabva paiva negungano riya, akandotora pfumo rake, 8 ndokutevera murume uya mutendhe muya, ndokusvikosonanidza nepfumo nechapadumbu murume muIsiraeri nomukadzi uya. Ndiko kumiswa kwakaitwa denda pavaIsiraeri. 9 Asi vanhu vakanga vatofa nedenda iroro vaiva zviuru makumi maviri nezvina. 10 Tenzi akataurira Mosesi achiti, 11 “Finiyasi mwanakomana waEreazari, muzukuru womupristi Aroni, apodza kutsamwira vaIsiraeri kwandanga ndaita. Atsamwira vanhu vasina kundiremekedza ini, sokuvatsamwira kwandinoitawo ini pachangu. Saka ndisina kuzoramba ndichiparadza vaIsiraeri pandanga ndavatsamwira. 12 Naizvozvo mutaurire kuti, ndichaita chitenderano chorugare naye. 13 Chitenderano ichi chokuti vava vapristi nokusingapere ndechake iye nezvizvarwa zvake nokuti akatsamwira vanhu vasina kuremekedza Tenzi wake akayananisa vaIsiraeri naTenzi.” 14 Zita romurume muIsiraeri uya akaurayiwa pamwechete nomukadzi worudzi rwavaMidhiani rainzi Zimuri mwanakomana waSaru, aiva mutungamiriri weimwe mhuri yomudzinza rokwaSimeoni. 15 Zita romukadzi wechiMidhiani akaurayiwa uya ainzi Kazibhi, aiva mukunda waZuri akanga ari mukuru wedzinza rimwe ravaMidhiani. 16 Tenzi akataurira Mosesi achiti, 17 “Rwisai vaMidhiani muvaparadze, 18 panyaya iya yaKazibhi hanzvadzi yavo, mukunda wejinda romuMidhiani, yakaurayiwa panguva iya yedenda rakauraya vanhu paPeori.” |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe