Numeri 22 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaMambo weMoabhu anodana Bharamu 1 VaIsiraeri vakazoenda vakandodzika matendhe avo mumapani aMoabhu mhiri kwaJorodhani pakatarisana neJeriko. 2 Ipapo Bharaki mwana waZipori mambo weMoabhu akaona zvakanga zvaitwa navaIsiraeri kuvaAmori, 3 VaMoabhu vakavatya zvikuru nokuti vakanga vakawanda kwazvo. VaMoabhu vakadedera vaIsiraeri zvikuru. 4 VaMoabhu ndokutaurira vakuru vakuru vavaMidhiani vachiti, “Zvino gurumwandira ravanhu ava richaparadza zvose zvakatipoteredza semombe dzapinda mumunda.” Naizvozvo Bharaki mwana waZipori akanga ari mambo wavaMoabhu panguva iyoyo 5 akatuma nhume kuna Bhiriamu mwanakomana waBheori, aigara kuPetori pedyo norwizi munyika yeAmawu kundomudaidza achiti, “Inzwaiwo zvava kuno, kune rumwe rudzi rwavanhu vakabva Ijipiti, vakawanda zvokuzadza nyika, vagere pakatarisana nemi. 6 Zvino ndapota uyai muzondirengererawo, vanhu ava rushambwa nokuti vane simba kupinda isu. Zvimwe ndingavakunde ndikavadzinga munyika. Ndinoziva kuti ani naani wamunokomborera anokomborerwa, uye wamunorengerera rushambwa anobva aona chinomuwana.” 7 Vakuru vakuru vavaMoabhu, navakuru vakuru vavaMidhiani vakaenda vakabata mari yomuripo wokurengerera rushambwa mumaoko. Vakasvika kuna Bhiriamu vakamuudza shoko raBharaki. 8 Bhiriamu ndokuti, “Imi chirarai zvenyu pano, mangwana ndinozokuudzai zvandinenge ndataurirwa naTenzi.” Saka machinda aMoabhu akararapo paBhiriamu. 9 Mwari akauya kuna Bhiriamu akati, “Ko varume ava vaunavo ndivanaani?” 10 Bhiriamu ndokupindura Mwari achiti, “Bharaki mwanakomana waZipori mambo weMoabhu akanditumira shoko achiti, 11 kune rumwe rudzi rwavanhu vakabva Ijipiti, vakawanda zvokuzadza nyika. Ndapota uyai muzovarengerera rushambwa nokuti vane simba kupinda ini. Zvimwe tingavakunde tikavadzinga munyika yedu.” 12 Mwari akati kuna Bhiriamu, “Usaende navanhu ava. Rega kundorengerera rushambwa kuvanhu ivavo nokuti vakakomborerwa.” 13 Mangwana acho Bhiriamu akafumoudza machinda aBharaki kuti, “Dzokerai zvenyu kunyika yenyu. Tenzi aramba kuti ndiende nemi.” 14 Machinda avaMoabhu akasimuka akaenda kuna Bharaki akasvikoti, “Bhiriamu aramba kuuya nesu.” 15 Bharaki akatumazve mamwe machinda akapfuura aya aya uwandi nechiremera, 16 vakaenda kuna Bhiriamu vakandoti, “Zvanzi naBharaki mwana waZipori pasava nechinokutadzisai kuuya kwandiri, 17 nokuti ndichakupai mubairo mukuru kwazvo. Chero chamunoreva ndichachiita. Saka chiuyai zvenyu muzondirengererera rushambwa vanhu ava.” 18 Bhiriamu akapindura varanda vaBharaki achiti, “Kunyange Bharaki akandipa imba yake izere sirivha nendarama, handingatsaudziri shoko raTenzi Mwari wangu ndichiritapudza kana kuriwedzera. 19 Zvino ndapota imiwo raraiwo pano nhasi kuti ndigoziva kuti Tenzi achandiudza zvimwe here.” Kutaura kwedhongi raBhiriamu 20 Mwari akauya kuna Bhiriamu usiku ihwohwo akati, “Kana varume ava vakauya kuzokudaidza, simuka zvako uende navo. Asi zvandinokuudza ndizvo chete zvauchaita.” 21 Naizvozvo Bhiriamu akamuka mangwanani ndokusungirira chityaro padhongi ndokuenda namachinda eMoabhu. 22 Asi kuenda kwake kwakashatirisa Mwari. Zvaaifamba akatasva dhongi rake aina varanda vake vaviri, mutumwa waTenzi akandomira munzira kumudzivisa. 23 Dhongi parakaona mutumwa waMwari akamira munzira akabata mumaoko bakatwa rakavhomorwa, rakabva ratsauka roenda musango. Bhiriamu ndokurirova achiridzorera munzira. 24 Mutumwa waTenzi akandomira pakanzira kakanga kari pakati peminda yemigirepisi paiti uku rusvingo uku rusvingo. 25 Dhongi parakaona mutumwa waTenzi rakasebera nokurusvingo rikadzvanyidzira gumbo raBhiriamu kurusvingo rwuya. Ndokubva arirova zvakare. 26 Mutumwa waTenzi akaenda mberi akandomira pakamanikana pakanga pasina nzvimbo yokutsaukira kurudyi kana kuruboshwe. 27 Dhongi parakaona mutumwa waTenzi, rakarara pasi, Bhiriamu akaritasva kudaro. Bhiriamu akaviruka nehasha akarova dhongi netsvimbo yake. 28 Ipapo Tenzi akapa dhongi kuti ritaure richiti, “Ko ndaiteko kuzondirova kudai katatu kose?” 29 Bhiriamu ndokuti kwariri, “Nokuti uri kutoita zvako zvokutamba neni. Dai ndanga ndiine bakatwa rangu ndingadai ndakuuraya iye zvino uno.” 30 Dhongi rakapindura Bhiriamu richiti, “Handisiri ini dhongi renyu here ramakatasva upenyu hwenyu hwose kusvikira nhasi? Makambondiona ndichikuitirai zvakadai here?” Akati, “Kwete.” 31 Tenzi akabva apengenutsa meso aBhiriamu akaona mutumwa waMwari amire munzira, akabata mumaoko bakatwa rakavhomorwa. Bhiriamu akakotamisa musoro wake ndokubva azvambarara. 32 Mutumwa waTenzi ndokuti, “Waroverei dhongi rako katatu kose? Chinzwa, ini ndauya kuzokudzivisa nokuti zvauri kufambira zvakaipa.” 33 Asi dhongi randiona rikandinyenyeredza katatu kose. Dai risina kundinyenyeredza ndingadai ndatokuuraya iro ndarirega riri benyu. 34 Bhiriamu ndokupindura mutumwa waTenzi achiti, “Inga ndaita chitadzo. Ndanga ndisingazivi kuti imi manga mumire munzira muchindidzivisa. Zvino kana muchiona zvakaipa, ndodzokera zvangu.” 35 Mutumwa waTenzi ndokupindura Bhiriamu achiti, “Enda zvako navo. Asi chandinenge ndakuudza ndicho chete chauchataura.” Naizvozvo Bhiriamu akaenda zvake namachinda aya aBharaki. Bharaki anochingura Bhiriamu 36 Bharaki zvaakanzwa kuti Bhiriamu ari kuuya, akaenda kundomuchingura kuguta reMoabhu riri kuna Arinoni rwizi ruri pamuganhu wenyika yake. 37 Bharaki akati kuna Bhiriamu, “Ko inga ndakakutumirai nhume kuzokudaidzai wani, makaregererei kuuya? Chokwadi handikwanisi here ini kukupai mubairo?” 38 Bhiriamu akati kuna Bharaki, “Hezvinoka ndauya. Asi ndingataure here chero chandingangoda kutaura? Shoko randinenge ndapiwa naMwari ndiro chete randichataura.” 39 Bhiriamu ndokuenda naBharaki vakasvika kuKiriatihuzoti. 40 Bharaki akapira mombe nehwai akabvisawo chokupa Bhiriamu namachinda aakanga anawo. Kuporofita kwaBhiriamu kwokutanga 41 Ramangwana racho Bharaki akatora Bhiriamu akakwira naye kunzvimbo yakakwirira yeBhamotibhaari, ari ipapo aikwanisa kuona chikamu chavaIsiraeri. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe