Online Bible

- Advertisements -


Mapisarema 99 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Mwari Mambo wapasi pose

1 TENZI ndimambo vanhu vanodedera anogara pachigaro chake choushe, pakati pamakerubhi. Nyika inodengendeka.

2 TENZI mukuru muguta reZioni mukuru mukuru pavanhu vose.

3 Ngavarumbidze zita renyu guru rinotyisa. Iye anoera.

4 Mambo wesimba munoda ruenzaniso. Imi makamisa nduramo. Ndimi makaita kuti muna Jakobho muve noruenzaniso noururami.

5 Rumbidzai TENZI Mwari wedu, mugwadamirei pachitambarariko chake. Iye anoera.

6 Mosesi naAroni vaiva vamwe vavapristi vake uye Samueri aiva mumwe wevaidana zita rake, vaidana kuna TENZI iye achivapindura.

7 Aitaura navo ari mugore, ivo vakachengeta mirao yake nemitemo yaakavapa.

8 Imi TENZI Mwari wedu maivapindura, maiva kwavari Mwari anoregerera asi muchiranga zvavainge vatadza.

9 Rumbidzai TENZI Mwari wedu mumunamate pagomo rake rinoera nokuti TENZI Mwari wedu anoera.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Follow us:



Advertisements