Mapisarema 98 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaMwari mutongi wapasi pose Rwiyo. 1 Imbirai TENZI rumbo rutsva nokuti akaita zvinhu zvinoshamisa, simba rorudyi rwake nereruoko rwake rutsvene ndizvo zvakakupai kukunda. 2 Mwari akaratidza kukunda kwake akazivisa kukunda kwake pamberi pamarudzi. 3 Akarangarira mwoyochena wake nokutendeka kwake kuimba yokwaIsiraeri. Pasi pose kusvika kwayakaperera pakaoma kukunda kwaMwari wedu. 4 Pururudzirai TENZI nokufara pasi pose shaurai rumbo rworufaro muimbe muchirumbidza. 5 Imbirai TENZI nechipendani nechipendani kuchiimbwa rumbo 6 namabhosvo nehwamanda pururudzirai kuvapo kwaMambo TENZI. 7 Gungwa ngaritinhire nazvose zvizeremo, pasi pose navagerepo. 8 Mapopopo ngaaombere maoko, makomo ngaaimbe norufaro pamwechete. 9 Ngaaimbe pana TENZI nokuti ari kuuya kuzotonga nyika. Achatonga pasi pose noururami uye achatonga vanhu noruenzaniso. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe