Online Bible

- Advertisements -


Mapisarema 95 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Rumbo rwokurumbidza

1 Uyai tiimbe tichirumbidza TENZI. Ngatipururudzirei nomufaro dombo ratinopona naro.

2 Ngatiuyei paari tichimutenda ngatimupururudzirei tichimurumbidza nedzimbo.

3 Nokuti TENZI ndiMwari mukuru, uye ndiMambo mukuru ari pamusoro pavanamwari vose.

4 Pasi pakadzamisisa pari mumaoko ake, kunyange nhungamakore dzamakomo ndedzake.

5 Gungwa nderake nokuti ndiye akarisika uye nyika yakaoma, nokuti maoko ake ndiwo akaiumba.

6 Uyai tigwadame tikotame tichipfugamira TENZI musiki wedu

7 nokuti ndiTENZI wedu isu ndisu vanhu vaanofudza uye tiri hwai dziri mumaoko ake. Dai nhasi mukangoteererawo zvenyu kuizwi rake.

8 Musaomese mwoyo yenyu sokuMeribha somusi uya kuMasa murenje,

9 madzibaba enyu paakandiedza, vakatsvaka kuona zvandiri, kunyange vakanga vaona mabasa angu.

10 Kwamakore makumi mana ndakasema chizvarwa ichocho ndikati, “Vanhu vakarasika ava, vasina hanya nenzira dzangu.”

11 Ndokusaka ndakapika nehasha kuti havambofa vakasvika kunzvimbo yangu yokuzorora.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Follow us:



Advertisements