Online Bible

- Advertisements -


Mapisarema 94 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Mwari mutongi wavose ano ruenzaniso

1 TENZI muri Mwari anotsiva, imi Mwari anotsiva, zviratidzei.

2 Simukai imi mutongi wapasi mupe vanozvikudza zvavanokodzerana nazvo.

3 Nhai TENZI ko ivo vakaipa vachasvikira riniko kusvikira rini vakaipa vachizvitutumadza.

4 Vanorutsa kutaura mashoko okuzvikudza. Vaiti vezvakaipa vose vanozvitutumadza.

5 Vanopwanya vanhu venyu TENZI vanorwadzisa nhaka yenyu.

6 Vanoponda kuuraya chirikadzi nomutorwa vachiuraya zvavo nherera.

7 Vanoti TENZI haazvioni Mwari waJakobho haatarisi.

8 Nzwisisaiwo imi matununu avanhu imi mapenzi muchangwara rinhiko?

9 Ko iye akaita nzeve haakwanisi kunzwa here? Iye akaumba ziso angatadze kuona here?

10 Iye anoranga marudzi haarangi here, iye anodzidzisa vanhu ruzivo?

11 TENZI anoziva pfungwa dzavanhu kuti dzinongova femo zvaro.

12 Akakomborerwa zvake munhu wamunoranga TENZI, wamunodzidzisa nemitemo yenyu.

13 Kumupa zororo panguva yepfumvu kusvikira guva rachererwa vakaipa.

14 Nokuti TENZI haafuratiri vanhu vake haangarasi nhaka yake.

15 Ruenzaniso runodzokerazve mukutonga kunoitwa, vose vari pachokwadi vanozvitevedza.

16 Ndiani zvake akambosimuka kuti andirwire kuna vakaipa? Ndiani angandimiririrewo kurwisa vaiti vezvakaipa?

17 Dai ndisina kutozobatsirwawo zvangu naTENZI ndingadai ndavakutogara kunyika yorunyararo.

18 Pandaifunga kuti ndavakutsvedza, makandisimbisa nemwoyochena wenyu.

19 Kana zvinondinetsa mumwoyo mangu zvawanda kundinyaradza kwenyu kunondifaranutsa.

20 Mungaite ushamwari navatongi vakaipa here vanoita kuti zvisina ruenzaniso zvive zviri pamutemo?

21 Vanoita chirwirangwe kurwisa mururami vachipa mururami asina mhosva yokuti auraiwe.

22 Asi TENZI ndiye akava nzvimbo yangu yokuzvidzivirira nayo muhondo uye Mwari wangu akava nhare yangu.

23 Achavadzorera uipi hwavo achavatsvaira pamusana pokusarurama kwavo TENZI Mwari wedu achavatsvaira.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Follow us:



Advertisements