Mapisarema 9 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaMuimbisi, Rumbo urwu rwunoimbwa sezvinoitwa rweMutirabheni. Rumbo rwaDhavhidhi. Kutenda Mwari ruenzaniso rwake 1 Ndinotenda TENZI nomwoyo wangu wose. Ndichaparidza mabasa enyu anoshamisa; 2 ndichafara nokupembera mamuri. Ndicharumbidza zita renyu imi Wokumusorosoro. 3 Kana mhandu dzangu dzopishinuka kudzoka, dzinodzadzarika dzoparara, mberi kwenyu. 4 Nokuti makandirwira pane zvandinokodzera nezvandinochemera, makagara pachigaro chenyu chokutonga muchitonga zvakarurama. 5 Makapa vechirudzi mhosva mukaparadza vakaipa, makadzimawo zita ravo narini narini. 6 Vavengi vakatsvairwa; vava matongo nokusingaperi. Maguta avo angove matongo zvokurangarirwa havachamborangarirwa. 7 TENZI anogara pachigaro chake chokutonga nokusingaperi, akadzika chigaro chake choumambo kuti atonge. 8 Uye, anotonga pasi pose zvakarurama anotongawo marudzi avanhu pachokwadi. 9 TENZI ndiye nzvimbo yokupotera yavanhu vanodzvinyirirwa ndiye nzvimbo yokupotera panguva yenhamo. 10 Vanoziva zita renyu vanovimba nemi nokuti imi TENZI hamufuratiri vanokutsvakai. 11 Pururudzirai TENZI anogara muZioni. Paridzirai vanhu zviito zvake. 12 Nokuti, iye, anotsividza ropa radeurwa, anovayeuka. Haakanganwi kuchema kwavari munhamo. 13 Ndinzwireiwo tsitsi TENZI. Tarisai muone zvandinotambudzwa nazvo navanondivenga. Imi munonditakanura pamuromo worufu 14 kuti ndiparidze mbiri yenyu uye kuti pamisuo yomukunda, guta reZioni, ndifarire ruponeso rwenyu. 15 Marudzi akawira mugomba ravakazvicherera vakabatwa gumbo mumambure avakaviga ivo pachavo. 16 TENZI anozviratidza agotonga, vakaipa vachiteiwa nezvavanoita namaoko avo. Moimbira pasi, Dzepfunde 17 Vakaipa vachadzokera kunzvimbo yavakafa. Marudzi ose anokanganwa Mwari. 18 Varombo havachakanganwiki nokusingaperi; chitarisiro chavatamburi hachiparari zvachose. 19 Simukai TENZI, musakundwe nomunhu; vechirudzi ngavatongwe pamberi penyu. 20 Vatyisei TENZI, marudzi azive kuti vanongova vanhu. Dzepfunde. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe