Online Bible

- Advertisements -


Mapisarema 86 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Munamato kana zvinhu zvaipa
Munamato waDhavhidhi.

1 Rerekerai nzeve yenyu TENZI mundipindurewo, nokuti ndiri murombo uye handina chokubata.

2 Ndichengetedzeiwo nokuti ndiri munamati wenyu. Ndinunureiwo ini muranda wenyu anovimba nemi, ndimi Mwari wangu.

3 Ndinzwireiwo ngoni TENZI, nokuti ndinochema kwamuri zuva rose.

4 Ndinyevenutseiwo mwoyo ini muranda wenyu, nokuti ndinochema kwamuri, TENZI

5 nokuti imi, TENZI, makanaka uye munoregerera, munoitira mwoyochena vakawanda kuna vanodana kwamuri.

6 Rerekerai nzeve yenyu TENZI kumunamato wangu inzwaiwo chichemo changu.

7 Pazuva rokutambudzika kwangu ndinodanidzira kwamuri nokuti imi munondipindura.

8 Hapana akaita semi, TENZI pakati pavamwari, kana mabasa akaita seenyu.

9 Marudzi ose amakasika achauya achizokugwadamirai TENZI achirumbidza zita renyu;

10 nokuti imi muri mukuru uye munoita zvinoshamisa, imi moga ndimi Mwari.

11 Ndidzidziseiwo nzira dzenyu TENZI kuti ndifambe muchokwadi chenyu; ndipeiwo mwoyo mumwechete pakutya zita renyu.

12 Ndinokutendai TENZI Mwari wangu nomwoyo wangu wose uye ndicharumbidza zita renyu nokusingaperi

13 nokuti mwoyochena wenyu kwandiri wakawanda; makandinunura pasi pasi munzvimbo yavakafa.

14 Vanhu vanozvikudza vandimukira Mwari, chikwata chamadzenga chinoda kundiuraya havana hanya nemi.

15 Asi imi TENZI muri Mwari ane tsitsi, ane mwoyo wakanaka. Mune mwoyo murefu; mune mwoyochena wakawanda uye makatendeka.

16 Tendeukirai kwandiri mundinzwirewo ngoni. Ndisimbaradzeiwo ini muranda wenyu. Mundinunurewo ini mwana womurandakadzi wenyu.

17 Ndiitireiwo chinoratidza kuti munofadzwa neni kuitira kuti vanondivenga vazvione vanyadziswe, nokuti imi TENZI munondibatsira nokundinyaradza.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Follow us:



Advertisements