Online Bible

- Advertisements -


Mapisarema 80 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Muimbisi, imbisa rumbo urwu rwechapupu chaAsafu sezvinoita ane chokuimbisa chine tambo dzokukungisa Rwiyo.
Munamato wokukumbirira nyika kuti idzorerwe kune zvayakanga yakaita.

1 Teererai imi mufudzi weIsiraeri imi munotungamirira vokwaJosefi sedanga rehwai, imi mune chigaro chenyu choumambo pamaKerubhi, bwinyai

2 kune vokwaEfuremu novokwaBhenjamini nokune vokwaManase. Kokai simba renyu muuye kuzotinunura.

3 Tiiteiwo zvatakanga takaita kare, Mwari, chiso chenyu ngachipenye kuti tiponeswe.

4 TENZI wehondo nehondo, kusvikira rinhiko makashatirwa neminamato yavanhu venyu.

5 Kuchema ndiko kwava chokudya chavo, makavapa misodzi kuti vanwe zvokutogondwa.

6 Munoita kuti vavakidzani vatirwirane vavengi vedu vachitotiseka pakati pavo.

7 Tiiteiwo zvatakanga takaita kare Mwari wehondo nehondo. Chiso chenyu ngachipenye kuti tiponeswe.

8 Makauya nomugirepisi kubva kuIjipiti mukadzinga vechirudzi mukausima.

9 Makaugoborera ukadzika midzi yawo ukazadza nyika.

10 Makomo akafukidzwa nomumvuri wawo nemiti yomusidhari yakafukidzwa namapazi awo.

11 Mapazi awo akatandavara kusvika kugungwa uye mabukira awo akasvika kurwizi rweYufuretesi.

12 Ko zvino makagopazireiko tsvingo dzayo zvokuti vose vanopfuurawo zvavo nenzira vanotanha michero yawo.

13 Nguruve yomusango inoutsika-tsika zvayo, zvose zvinofamba musango zvinoudya.

14 Dzokaizve Mwari wehondo nehondo mutarire muri kudenga muone zvenyu, ivai nehanya nomugirepisi uyu.

15 Nzvanzvana yomugirepisi yamakadyara nesimba roruoko rwenyu rworudyi dungira ramakaita kuti rive renyu.

16 Vakaupisa nomoto; vakautema, ngavaparare nokungoona uso hwenyu hunotsiura hoga.

17 Simba roruoko rwenyu ngarive pamusoro pomunhu ari kurudyi rwenyu Mwanakomana womunhu wamakazvisimbisira pachenyu.

18 Ipapo hatizombofa takakufuratirai, tipeiwo upenyu isu tinodaidza zita renyu.

19 Tiiteiwo zvatakanga takaita kare TENZI Mwari wehondo nehondo. Uso hwenyu ngaupenye mutiponese.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Follow us:



Advertisements