Online Bible

- Advertisements -


Mapisarema 76 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Muimbisi, rumbo urwu rwunoimbwa nezvokuimbisa zvine tambo dzewaya. Rwiyo rwaAsafu. Rumbo.
Mwari anokunda

1 Mwari anozivikanwa maJudha, zita rake iguru muIsiraeri.

2 Akadzika musha muJerusaremu, akazviitira pokugara muZioni.

3 Imomo akatyora miseve yaivaima nenhoyo nebakatwa nezvombo zvehondo. Dzepfunde.

4 Mbiri yenyu yaishamisa zvisingatauriki pamakomo ehuhombarume hwenyu.

5 Magamba akatorerwa zvaainge apamba; akadzirara hope dzorufu, varwi vehondo vakatadza kushandisa maoko avo.

6 Pamakangotsiura imi Mwari waJakobho, mutasvi nebhiza rake vakabva vaoma pasi kuti papata.

7 Asi imi, munotyisa zvakanyanya, ndiani angamire pamuri kana maviruka nehasha?

8 Imi makatonga muri kudenga nyika yakatya ikati zii kunyarara,

9 Mwari paakasimuka kuti achitema kutonga kwake achinunura vose vanodzvanyirirwa panyika. Dzepfunde

10 Kushatirwa kwavanhu kunozoperera mukukurumbidzai, vanenge vasara netuhasha twavo munovaunganidza zvenyu kwamuri.

11 Tsidza hako kuna TENZI Mwari wako asi uite zvawatsidza vose vari munharaunda ngavaunze zvipo kwaari, iye anofanira kutyiwa.

12 Anoodza mwoyo yamachinda, anotyisa madzimambo apasi.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Follow us:



Advertisements