Online Bible

- Advertisements -


Mapisarema 75 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Muimbisi, imbisa saUsaparadze rwiyo urwu rwaAsafu. Rumbo.
Kutonga kwaMwari

1 Tinokutendai Mwari, tinokutendai. Tinodana zita renyu tichikurukura zviito zvenyu zvinoshamisa.

2 Panguva yakatemwa yandakasarudza ndichatonga noruenzaniso,

3 pachazunguzika nyika navagari vayo vose. Ndini ndichachengeta mbiru dzayo dzakagadzikana. Dzepfunde.

4 Ndinoti kuna vanozvikudza, “Musazvikudze” kuvakaipa ndinoti, “Musasimudze musoro.”

5 Musasimudze musoro kana kuomesa musoro pakutaura.

6 Kusimudzirwa hakubvi kumabvazuva kana kumadokero kana kubva kugwenga,

7 asi Mwari ndiye anotonga, ndiye anodzikisa mumwe achisimudzira mumwe.

8 Nokuti muruoko rwaTENZI mune mukombe une waini inotutuma ina masanganiswa chaiwo anoidurura vakaipa vose vapasi vagoinwa namasese ose.

9 Asi ini ndinofara nokusingaperi ndichaparidza nokuimba ndichirumbidza Mwari waJakobho.

10 Misoro yavakaipa achaidimbura misoro yavakarurama ichasimudzirwa.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Follow us:



Advertisements