Mapisarema 4 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaMunamato wamanheru Kumuimbisi ane zvokuimbisa zvine tambo dzewaya. Rwiyo rwaDhavhidhi. 1 Pandinodanidzira, ndipindureiwo, imi Mwari anorwira zvandinokodzera. Pandakanga ndapinda nhamo, makandifaranutsa. Ndiitireiwo mwoyochena munzwe munamato wangu. 2 Nhaimi vanhu, kusvikira riniko muchirerutsa chiremera changu? Kuchasvikira rini muchifarira mashoko asina maturo nokufarira kuva vanazinyepera? Dzepfunde 3 Asi zivai kuti TENZI akazvitsaurira vakarurama. TENZI anondinzwa pandinodana kwaari. 4 Shushikanai zvenyu asi musatadze. Rangarirai mumwoyo menyu pauvato hwenyu munyarare. Dzepfunde 5 Pirai zvibayiro kwazvo muvimbe naTENZI. 6 Kuna vazhinji, vanoti, dai waro zvinhu zvatinakira, mativhenekerawo nokupenya kwouso hwenyu, imi TENZI. 7 Makaisa rufaro mumwoyo mangu kupinda vanhu kana vawana matutu matutu embeswanwa nebvachapfacha rewaini. 8 Zvose kurara nokukotsira ndinozviwana murugare nokuti imi moga, ndimi TENZI munoita kuti ndigare ndakagarikana. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe