Mapisarema 3 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaMunamato wamangwanani wokukumbira rubatsiro Rwiyo rwaDhavhidhi paaitiza mwana wake Abhusaromu. 1 Nhai TENZI, kuwanda here ikoko kwakaita mhandu dzangu! Vazhinji vavakundimukira. 2 Vazhinji vari kunditi, “Mwari haambomubatsira.” Dzepfunde 3 Asi kwandiri imi TENZI ndimi nhoo yangu. Ndimi mbiri yangu, uye ndimi munoita kuti ndisimudze musoro. 4 Ndinodaidzira nezwi rangu kuna TENZI? Iye achandipindura ari mugomo rake rinoera. Dzepfunde 5 Ndinongoti pasi rarei ndobva ndakotsira. Ndozomukazve nokuti TENZI anondichengeta. 6 Handityi zviuru zvavanhu zvakazanirana, zvavanhu varongana vakandikomba, vanoda kundirwisa. 7 Simukai TENZI, ndinunureiwo Mwari wangu nokuti imi, munorova mhandu dzangu dzose padama. Vakaipa munovagura meno. 8 TENZI ndiye anonunura. Chikomborero chenyu ngachive pavanhu venyu. Dzepfunde |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe