Mapisarema 22 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaMuimbisi rumbo urwu runoimbwa mayimbiro “enondo yamambakwedza.” Rumbo rwaDhavhidhi. Kurwadziwa nechivimbo chomururami 1 Mwari wangu, Mwari wangu mandisiireiko; muri kure kure seiko pakundibatsira uye kumazwi okugomera kwangu. 2 Mwari wangu, ndinochema masikati asi hamupinduri uye nousiku asi handiwani zororo 3 asi imi muri mutsvene, pakurumbidzwa, ndimi makagadzwa umambo chaihwo muIsiraeri. 4 Madzibaba edu akavimba nemi, vakavimba, imi mukavanunura. 5 Vakachema kwamuri vakanunurwa vakavimba nemi vakasanyadziswa. 6 Asi ini ndiri honye, handisi munhu ndinoshorwa navanhu, ndinozvidzwa navanhu. 7 Vose vanondiona vanondisveeredza, vanondimonyera muromo vachizunguza musoro. 8 “Akazviturira kuna TENZI, ko ngaachimuponesa, ngaachimununuraka nokuti anomuda.” 9 Asi imi ndimi makandiburitsa munhumbu mukandichengeta zvakanaka pandaiyamwa. 10 Ndakapirwa kwamuri kubvira pakuberekwa kwangu. Kubvira pandakaberekwa naamai vangu ndimi manga muri Mwari wangu. 11 Musave kure neni nokuti nhamo iri padyo uye hapana wokundibatsira. 12 Handira zhinji dzakandikomba, handira dzakasimba dzokuBhashani dzakandikomberedza. 13 Dzinondishamira muromo kwazvo seshumba dzinouraya dziri kudzvova. 14 Ndadururwa semvura, mapfupa angu asvodogoka, mwoyo wangu waita senamo, wanyongodeka mudundundu mangu. 15 Simba rangu rakatooma kuti papata sezenga. Rurimi rwangu rwavakutonamira kumatadza, matonditi rapata muguruva rorufu. 16 Imbwa dzakandikomberedza, chikwata chavakaipa chakanditenderedza; vabaya maoko angu namakumbo angu, 17 ndavakutokwanisa kuverenga mapfupa angu ose; vanondinan'anidza vachinyatsondiongorora. 18 Vari kugoverana zvavo zvipfeko zvangu; hanzu dzangu varikutodziitira chin'ange. 19 Asi imi TENZI regai kuva kure; imi simba rangu kurumidzai kuzondibatsira. 20 Ndinunureiwo kubakatwa mununure upenyu hwangu kusimba rembwa. 21 Ndinunureiwo kumuromo weshumba, ndipindureiwo, ndiri parumano rwenyanga dzenyati. 22 Iniwo ndichaparidza zita renyu kuhama dzangu, mukati mesangano ndichakurumbidzai. 23 “Imi munotya TENZI murumbidzei, imi mose vana vokwaJakobho, murumbidzei. Mudederei imi vana vokwaIsiraeri 24 nokuti haana kuzvidza kana kusema nhamo yavatamburi. Haana kuvanza uso hwake kwaari asi akamunzwa paakachema kwaari.” 25 Zvokuti ndikurumbidzei mugungano guru, zvinotobva kwamuri, zvandakatsidza ndichazviita ndiri muvanhu vanokutyai. 26 Varombo vachadya vakaguta vanomutsvaka vacharumbidza TENZI, dai mukangorarama nokusingaperi. 27 Nyika dzapasi pano dzicharangarira dzigodzokera kuna TENZI mhuri dzose dzamarudzi avanhu dzigwadame pamberi penyu 28 nokuti umambo ndohwaTENZI uye anotonga pamusoro pevechirudzi. 29 Vose vanozvikudza vapanyika vachamugwadamira vose avo vachapinda muguva navose vasingagoni kuzviraramisa vachatozomupfugamira chete. 30 Zvizvarwa zvichauya zvichamushumira zvizvarwa zvinotevera zvichataurirwa nezvaTENZI 31 zvichauyawo zvigoparidza ururami hwake kuvanhu vachatozozvarwa kuti, “TENZI akazviita.” |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe