Mapisarema 2 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaKukunda kwouchapupu chaMesia 1 Ko ivo vechirudzi, vanodirei kuti ungaunga, vachiita bope marudzi avanhu achidai kuita bangano risina maturo. 2 Madzimambo apasi ari kunyatsoungana, uye vatongi vari kuitira TENZI nomuzodzwa wake musangano, vachiti: 3 “Ngatidamburei zvitorobho zvavo titakanurire uko tambo dzavo.” 4 Iye agere kumatenga anovaseka zvake TENZI anovaita chiseko chaicho. 5 Ndipo paachazotaura kwavari zvehasha achivavhundutsira nokuviruka kwake nehasha. 6 Achiti, “Ini ndini ndakagadza mambo wangu paZioni, gomo rangu rinoera. 7 Ndichataura pachena chirevo chaTENZI akanditi iwe ndiwe mwanakomana wangu, nhasi ndakubereka. 8 Ndikumbire zvako ndigokupa marudzi avanhu kuti ave nhaka yako kunyange nyika, kusvika nokwainoperera kuti ive yako. 9 Uchavatyora netsvimbo yesimbi ugovapwanya kuti mwarara somudziyo womuumbi wehari. 10 Zvino imi madzimambo, ngwarai, inzwai kuyambirwa kwamunoitwa, imi vatongi venyika. 11 Shandirai TENZI muchimutya, 12 mudederei pamunomuremekedza. Angadaro akashatirwa mukaparara munzira nokuti haatane kushatirwa. Vakakomborerwa zvavo vanopotera maari.” |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe